bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Corinthians 2
1 Corinthians 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
1
Zvino ini, hama dzangu, pakuvuya kwangu kwamuri, handina kuvuya ndichikuparidzirai vuchapupu bwaMwari nokunaka kwamashoko, kana kovuchenjeri.
2
Nokuti ndakati, handingazivi chinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, iye wakaroverwa pamuchinjikwa.
3
Ndakanga ndiri pakati penyu novutera, nokutya, nokudedera kukuru,
4
neshoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ovuchenjeri; hwavanhu asi nokuratidza koMweya nokwesimba;
5
kuti kutenda kwenyu kurege kuva muvuchenjeri bwavanhu, asi musimba raMwari.
6
Zvino tinotaura vuchenjeri pakati pavakakwana; asi vuchenjeri bwusati bwuri bwenyika ino, kana bwavabati venyika ino vanoshaiswa simba.
7
Asi tinotaura vuchenjeri bwaMwari bwakavanzika, bwakafukidzwa, bwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo;
8
bwusina kuzivikamwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaibwuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa.
9
Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.
10
Nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwatiri isu noMweya; nokuti Mweya unonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari.
11
Nokuti munhu ndoupiko unoziva zvomunhu, asi mweya womunhu, uri maari? Saizvozvo hakunomunhu unoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari.
12
Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kunaMwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari.
13
Ndizvo zvatinotauravo, tisingatauri namashoko atinodzidziswa novuchenjeri bwomunhu, asi anodzidziswa noMweya mutsvene; tichidudzira zvinhu zvoMweya kuvanhu voMweya.
14
Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti vupenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa noMweya.
15
Asi uri woMweya unonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu.
16
Nokuti ndianiko wakaziva murangariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomurangariro waKristu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16