bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Corinthians 7
1 Corinthians 7
Shona 2009?
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
1
Zvino kana zviri zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kubata mukadzi.
2
Asi nokuda kovupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake.
3
Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi ngaadarovo kumurume.
4
Mukadzi haanesimba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvovo murume haanesimba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi.
5
Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mumbotenderana, kuti muve nenguva yokutsanya nokunyengetera, ndokusonganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.
6
Asi ndinotaura izvi, ndichikutenderai, ndisingarairi.
7
Nokuti ndinoda kuti vanhu vose vave seni. Asi munhu mumwe nomumwe une chipiwa chake, chinobva kunaMwari, mumwe chorudzi urwu, mumwe chorumwe rudzi.
8
Asi ndinoti kunavasina kuwana,, nokuchirikadzi: Zvakanaka kuti vagare seni.
9
Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nokuti zvirinani kuti vawane pakutsva.
10
Zvino vakawana ndinovaraira, asi handizini, ndiShe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake,
11
(kana achibva, ngaagare asingawanikwi, kana ayanane nomumrume wake)
12
Zvino kunavamwe ndinoti ini, haazi Ishe; Kana hama inomukadzi usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumurasha.
13
Nomukadzi unomurume usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kurasha murume wake,
14
nokuti murume usingatendi unoitwa mutsvene nomukadzi wake, nomukadzi usingatendi unoitwa mutsvene nomurume; kana zvisina kudaro, vana venyu vaiva netsvina; asi zvino vatsvene.
15
Zvino kana usingatendi achienda, ngaaende hake. Hama, kana ari murume kana mukadzi, haisungwi nezvakadaro; asi Mwari wakakudanai kuti muve norugare.
16
Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko kuti uchaponesa murume wako?Kana iwe murume, unoziva seiko kuti uchaponesa mukadzi wako?
17
Asi, mumwe nomumwe sezvaakagoverwa naShe, mumwe nomumwe sezvaakadamwa naMwari, ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinoraira pakereke dzose.
18
Kana mumwe achinge akadamwa akadzingiswa, ngaarege kuitwa usakadzingiswa; kana mumwe achinge akadamwa asakadzingiswa, ngaaarege kudzingiswa.
19
Kudzingiswa hachizi chinhu, nokusadzingiswa hachizi chinhu, asi kuchengeta mirairo yaMwari.
20
Mumwe nomumwe ngaagare pakudamwa kwaakadamwa nako.
21
Wakadamwa uri muranda here? Usazvidya moyo; asi kana ungasunungurwa, zvirinani kuti udaro hako.
22
Nokuti wakadamwa munaShe, ari muranda, wava musunungurwa waShe; saizvozvovo, wakadamwa akasununguka, wava muranda waKristu.
23
Makatengwa nomutengo; regai kuva varanda vavanhu.
24
Hama dzangu, mumwe nomumwe ngaagare pamberi paMwari ipapo paakadamwa napo.
25
Zvino, pamusoro pemhandara, handinomurairo waShe; asi ndinotaura somunhu wakapiwa ngoni naShe kuti ave wakatendeka.
26
Naizvozvo ndinoti nokuda kwenhamo ino, zvakanaka kuti munhu agare akadaro.
27
Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa pamukadzi here?.
28
Zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai.
29
Zvino ndinozvitaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vanavakadzi vave savasina;
30
navanochema vave savasingachemi; navanofara savasingafari; navanotenga savasinechinhu;
31
navanobata nezvenyika, savasingabatisisi nazvo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuvura.
32
Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Usina kuwana, unofunga zvaShe, kuti ungafadza Ishe wake sei.
33
Asi wakawana, unofunga zvenyika, kuti ungafadza mukadzi wake sei.
34
Panomusiyano pakati pomukadzi nemhandara usina kuwanikwa unofunga zvaShe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi wakawanikwa unofunga zvenyika, kuti ungafadza murume wake sei.
35
Izvi ndinotaura kuti mubatsirwe imi; ndisingadi kukusungai nomusungo, asi nokuda kwezvakafanira, uye kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi.
36
Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, kana zvirinani kuti zviitwe, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo.
37
Asi uyo unomira akasimba pamoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi anesimba pamusoro pokuda kwake, akatema mumoyo make chinhu ichi, kuti uchachengeta mhandara yake, iye unoita zvakanaka.
38
Naizvozvo, unomuwanisa unoita zvakanaka; nosingamuwanisi, unoita zvinopfuvura nokunaka.
39
Mukadzi wakasungwa nomurairo murume wake achiri mupenyu; zvino kana murume wake afa, wasununguka, kuti awanikwe nowaanoda; asi ngazviitwe munaShe.
40
Asi unganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu ini; zvino ndinoti nenivo ndinoMweya waMwari.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16