bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Corinthians 15
1 Corinthians 15
Shona 2009?
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
1
Zvino, hama dzangu, ndinokuzivisai evhangeri yandakakuparidzirai, iyo yamagamuchiravo, neyamunomiravo mairi;
2
iyo yamunoponeswavo nayo, kana muchiibatisa nomutovo wandakaiparidza kwamuri, kana musina kutenda pasina.
3
Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchiravo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa paMagwaro;
4
uye kuti wakavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa paMagwaro;
5
akazviratidza kunaKefasi, ipapo kuna vanegumi navaviri;
6
ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuvura mazana mashanu kamwe-vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vavata.
7
Ipapo akazviratidza kunaJakobho; ipapo kunavapositora vose.
8
pakupedzisira akazviratidza kwandirivo, sokunowakazvarwa nguva isati yasvika.
9
Nokuti ini ndiri muduku kuvapositora vose, handifaniri kuti ndinzi muapositora, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.
10
Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu wakadai zvino: nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuvura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni.
11
Naizvozvo, kana ndirini kana vari ivo, tinoparidza kudai, nemwi makatenda kudai.
12
Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti wakamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa?
13
Zvino, dai pasina kumuka kwavakafa, naKristu ungadai asina kumutswavo;
14
vuye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchivavo pasina.
15
Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari wakamutsa Kristu, iye waasina kumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi.
16
Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naKristu, haana kumutswavo;
17
kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwenyu hakuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.
18
Zvino naivo vakafa muna Kristu vakarashikavo.
19
Kana tinetariro kunaKristu pavupenyu bwuno bedzi, tinonzwisa vurombo kukunda vanhu vose.
20
Nokuti zvino Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata.
21
Nokuti rufu zvarwakavuya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakavuya nomunhuvo.
22
Nokuti vose sezvavanofa munaAdhamu, saizvozvovo vose vachararamiswa munaKristu.
23
Asi mumumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuvuya kwake.
24
Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, vushe panguva yaachaparadza kubata kose, novushe bwose, nesimba.
25
Nokuti unofanira kubata vushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.
26
Muvengi wokupedzisira, uchaparadzwa, ndirwo rufu.
27
Nokuti wakaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti: Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinovonekwa pachena kuti iye, wakaisa zvose pasi pake, haana kuiswapo.
28
Zvino kana zvose zvaiswa pasi pake, ipapo noMwanakomanavo amene uchaiswa pasi paiye wakaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kunavose.
29
Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzwirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa?
30
Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko?
31
Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu munaKristu Jesu, Ishe wedu, kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe.
32
Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, ngatidye, ngatimwe, nokuti mangwana tinofa.
33
Musanyengerwa; vushamwari bwakaipa bwunovodza tsika dzakanaka.
34
Pengenukai kune zvakarurama, murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kuti munyadziswe.
35
Asi mumwe ungati: Vachavuya nomuviri wakaita sei?
36
Iwe benzi, icho chaunodzvara hachimeri, kana chisingafi.
37
Chaunodzvara, haudzwari muviri uchavapo, asi tsanga bedzi, kana yamapfunde, kana yezvimwe;
38
asi Mwari unoipa muviri paanoda napo, nembeu imwe neimwe muviri wayo.
39
Nyama yose haizi nyama imwe; asi imwe ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe inyama yeshiri, imwe; ndeyehove.
40
Kune miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyokudenga ndokumwe, nokwenyika ndokumwe.
41
Kunokubwinya kwezuva, ndokumwe, nkubwinya komwedzi, ndokumwe kubwinya kwenyeredzi, ndokumwe nokuti imwe nyeredzi inosiyana neimwe pakubwinya.
42
Ndizvo zvakaitavo kumuka kwavakafa. Muviri unodzvarwa pakuvora; unomutswa pakusavora;
43
unodzvarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodzwarwa pavutera, unomutswa pasimba.
44
Unodzvarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. Muviri wokuberekwa uripo, nomuviri womweya uripo.
45
Zvakanyorwavo saizvozvo, zvichinzi: Munhu wokutanga, Adhamu, wakaitwa munhu mupenyu; Adhamu wokupedzisira wakaitwa mweya, unopa vupenyu.
46
Asi zvomweya hazvizi zvokutanga, asi zvokuberekwa; tevere zvomweya.
47
Munhu wokutanga ndowenyika, ivhu; munhu wechipiri ndiIshe akabva kudenga.
48
Saiye wevhu, ndizvo zvakaitavo avo vevhu; saiye wokudenga, ndizvo zvakaitavo ivo vokudenga.
49
Vuye, sezvatakanga tinomufananidzo womunhu wevhu, tichavavo nomufananidzo waiye wokudenga.
50
Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka yovushe bwaMwari; nokuvora hakungagari nhaka yokusavora.
51
Tarirai, ndinokuvudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose;
52
pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa mukusavora; nesu tichashandurwa;
53
nokuti ichi chinovora chinofanira kufuka kusavora; nechichi chinofa chinofanira kufuka kusafa.
54
Zvino kana ichi chinovora chafuka kusavora; nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda.
55
Iwe rufu rumborera rwako ruripiko? Iwe bwiro kukunda kwako kuripiko?
56
Rumborera gorufu chivi, nesimba rechivi murairo.
57
Zvino Mwari ngaavongwe, unotipa kukunda munaKristu Jesu.
58
Saka, hama dzangu dzinodikamwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mubatire Ishe zvikuru nguva dzose muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16