bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Corinthians 11
1 Corinthians 11
Shona 2009?
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
1
Ivai vateveri vangu, seni ndiri muteveri waKristu.
2
Zvino, ndinokurumbidzai, nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchichengeta tsika, sezvandakakupai idzo.
3
Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu;vuye musoro womukadzi ndiye murume; uye musoro waKristu ndiye Mwari.
4
Murume mumwe nomumwe, unonyengetera kana kuporofita musoro wake wakafukidzwa, unoninipisa musoro wake.
5
Asi mukadzi mumwe nomumwe, unonyengetera kana kuporofita musoro wake usina kufukidzwa, unoninipisa musoro wake; nokuti ndizvo zvimwe nokuvevurwa.
6
Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaachekerwe vhudzi rakevo; asi kana zvisingafaniri kuti mukadzi achekerwe vhudzi, kana avevurwe, ngaafukidzwe.
7
Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro, zvaari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi ndiye kubwinya komurume.
8
Nokuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi unobva kumurume;
9
uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume;
10
nokuda kweizvozvo mukadzi unofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake, nokuda kwavatumwa.
11
Kunyange zvakadaro munaShe mukadzi haazi kunze komurume,, nomurume haazi kunze komukadzi.
12
Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, nokudarovo murume unoberekwa nomukadzi; asi zvose zvinobva kunaMwari.
13
Tongai imwi mumene: Zvakafanira kuti mukadzi anyengetere kunaMwari asina kufukidzwa here?
14
Ko hamudzidziswi naiwo musikirwe wavanhu kuti kana murume anevhudzi refu, unonyadziswa nazvo here?
15
Asi kana mukadzi anevhudzi refu, ndiko kubwinya kwake; nokuti wakapiwa vhudzi rake, chive chifukidzo.
16
Zvino kana mumwe anenge achida kuita gakava, hatinetsika yakadaro isu, kunyange kereke dzaMwari.
17
Zvino kana ndichikuvudzai izvi, handikurumbidziyi, nokuti hamuvunganiri zvinopfuvura nokunaka, asi zvakaipa.
18
Nokuti shoko rokutanga, kana muchivungana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuripo pakati penyu; pamwe ndinotenda kuti ndizvo.
19
Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vavonekwe pakati penyu.
20
Zvino kana muchivungana pamwe chete, hakuzi kuti mudye chirayiro chaShe;
21
nokuti kana modya, mumwe nomumwe unotangira vamwe kudya chirayiro chake; mumwe unenzara, mumwe wakabatwa.
22
Ko hamunedzimba kwamungadyira nokumwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasinechinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidziyi.
23
Nokuti ini ndakagamuchira kunaShe icho chandakakupaivo, kuti Ishe Jesu novusiku bwaakapandukirwa, wakatora chingwa;
24
akati avonga, akachimedura, akati: torai mudye. Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.
25
Saizvozvovo, vakati vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu;itai izvi, nguva dzose kana muchimwa, muchindirangarira.
26
Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kumwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achivuya.
27
Naizvozvo mumwe nomumwe unodya chingwa ichi, kana kumwa mukombe waShe, nomutovo usina kufanira, uchava nemhosva yomuviri neropa raShe.
28
Zvino munhu ngaazviidze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokumwa mukombe uyu.
29
Nokuti unodya nokumwa, nomutovo usina kufanira unozvidyira nokuzvimwira kurobwa zvaasinganyatsonzwisisa muviri waShe.
30
Nemhaka iyi vazhinji varipo pakati penyu vasinesimba, vanorwara; vazhinji vavete.
31
Nokuti dai taizviidza isu timene, hatizairobwa.
32
Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naShe, kuti tirege kutongerwa kurohwa pamwe chete nenyika.
33
Naizvozvo, hama dzangu, kana muchivunganira pakudya, miriranai.
34
Kana munhu anenzara, ngaadye kumusha kwake; kuti murege kuvunganira kutongwa. Zvimwe zvakasara ndichazvigadzira kana ndichisvika.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16