bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Corinthians 13
1 Corinthians 13
Shona 2009?
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
1
Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisinorudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti: Ngwere-ngwere!
2
Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kose; kunyange ndinokutenda kose, kuti ndibvise makomo, ndisinorudo, handizi chinhu.
3
Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisinorudo, handibatsirwi chinhu.
4
Rudo runomoyo murefu, runomoyo munyoro; rudo harunegodo; rudo harunamanyawi, haruzvikudzi;
5
haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, harunezishura;
6
harufariri zvisakarurama, asi runofarira chokwadi;
7
runofukidza zvose, runotenda zvose, runetariro pazvose, runotsungirira pazvose.
8
Rudo harutongoperi; zvino kana kuri kuporofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa.
9
Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana;
10
asi kana zvakakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabiswa.
11
Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana.
12
Nokuti zvino tinovona pachivoni-voni, tisingavoni kwazvo; asi nenguva iyo tichavona nezviso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikamwa nenivo.
13
Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16