bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Corinthians 6
1 Corinthians 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
1
Ko kana mumwe wenyu anemhosva nomumwe, ungatsunga kumukwirira kuna vasakarurama, akasamukwirira kuna vatsvene here?
2
Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichitongwa nemi, ko imwi hamufaniri kutonga mhosva duku-duku here?
3
Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei izvo zvovupenyu bwuno!
4
Zvino kana mune mhosva dzovupenyu bwuno dzinofanira kutongwa, munogadza seiko avo vanozvidzwa pakereke, kuti ivo vatonge?
5
Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko hakuna wakachenejera pakati pwenyu ungagona kutonga pakati pehama nehama yake here?
6
Asi hama inokwirira hama, achizviita pamberi pavasingatendi here?
7
Zvino matova nemhosva kwazvo pakati penyu, zvamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa zvisakarurama? Munoregereiko kutenda kubirwa?
8
Asi imwi munoita zvisakarurama, munonyengetera, muchizviitira hama.
9
Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka yovushe bwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume,
10
kana mbavha, kana vanoruchiva, kana vanosimwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka yovushe bwaMwari.
11
Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene. Asi mukaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu.
12
Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvinhu zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose, asi handidi kukundwa nechinhu chimwe.
13
Zvokudya ndezvedumbu, nedumbu nderezvokudya; asi Mwari uchaparadza iro naizvo, zvose. Asi muviri hauzi wovupombwe, asi ndowaShe; naShe ndowomuviri;
14
Mwari wakamutsa Ishe, uye uchatimutsa isu nesimba rake.
15
Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu, ndichatora mitezo yaKristu ndikaiita mitezo yechifeve here
16
hamuzivi kuti wakasonganiswa nemhombwe wava muviri mumwe naye here? Nokuti iye unoti: Ava vaviri vachava nyama imwe.
17
Asi wakasonganiswa naShe, wava mweya mumwe naye.
18
Tizai vupombwe. Zvivi zvose, zvinoitwa nomunhu, zviri kunze komuviri; asi unoita vupombwe, unotadzira muviri wake.
19
Hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yoMweya Mutsvene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMwari? Hamuzi venyu;
20
nokuti makatengwa nomutengo; naizvozvo kudzai Mwari mumuviri wenyu uye mumweya yenyu iri yaMwari.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16