bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Corinthians 4
1 Corinthians 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
1
Munhu upi noupi ngaarangarire saizvozvo kuti tiri varanda vaKristu.vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
2
Zvino, pazvinhu izvi, pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka.
3
Zvino chinhu chiduku-duku kwandiri, kuti nditongwe nemi, kana nokutonga komunhu; handizvitongi ini ndimene.
4
Nokuti handizivi mhosva yandinayo; asi handiruramiswi naizvozvo; asi unonditonga ndiye'She.
5
Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe avuya, iye uchabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomoyo; apo munhu mumwe nomumwe ucharumbidzwa naMwari.
6
Zvino, hama dzangu, zvinhu izvi ndakanyora ndichizvifananidzira ini naAporo, nokuda kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuvura izvo zvakanyorwa, kuti mumwe arege kuzvikudza, achitsaura mumwe kunomumwe.
7
Nokuti ndianiko wakakutsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa?
8
Matoguta, matofuma, mabata vushe kunze kwedu; dai maibata vushe henyu, kuti isu tibatevo pamwe chete nemi.
9
Nokuti ndinoti Mwari wakatigadza isu vapositora pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa navanhu.
10
Isu tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imwi makachenjera munaKristu; isu tinoshaiwa simba, asi imwi munesimba; imwi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.
11
Kusvikira nguva ino isu tinenzara, tinenyota, hatina chatingafuka, tinorobwa netsiva, hatina nzvimbo kwayo yokugara;
12
tinotambudzika, tichibata namavoko edu; kana tichitukwa, tinoropafadza, kana tichitambudzwa, tinotsunga moyo;
13
kana tichipomerwa, tinovaraidza; takaitwa setsvina yenyika, marara avose kusvikira zvino.
14
Handikunyoreriyi zvinhu izvi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurairei savana vangu vanodikamwa.
15
Nokuti kunyange maiva navadzidzisi vanezvuru zvinegumi munaKristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti munaJesu Kristu ini ndakakuberekai neevhangeri.
16
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti muve vateveri vangu.
17
Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, mwana wangu unodikamwa, wakatendeka munaShe; iye uchakuyevudzai, mitovo yangu iri munaKristu Jesu, sezvandinodzidzisa kose pakereke dzose.
18
Zvino vamwe vanozvikudza, vachiti sokuti handingavuyi kwamuri.
19
Ndichakurumidza kuvuya kwamuri, kana Ishe achida; handingazivi shoko raivavo vanozvikudza, asi simba ravo.
20
Nokuti vushe bwaMwari habwuzi pamashoko, asi pasimba.
21
Munotsvakeiko? Ndivuye kwamuri neshamhu, kana norudo nomweya wovuyoro here?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16