bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Corinthians 5
1 Corinthians 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
1
Vanhu vose vanoti vupombwe bwuripo pakati penyu, vupombwe bwakadaro bwusingazikamwi kunyange pakati pavahedheni, bwokuti mumwe unogara nomukadzi wababa vake.
2
Munozvikudza, hazvizaiva nani here kuti dai makachema, kuti uyo wakabate basa iri abviswe pakati penyu?
3
Nokuti ini, zvirokwazvo, kunyange ndisipo nomuviri, asi ndiripo hangu nomweya, ndatotongesa uyo wakaita chinhu ichi, sendinenge ndiripo,
4
nemi, makavungana pamwe chete nomweya wangu nezita raShe Jesu Kristu, nesimba raShe wedu Jesu Kristu.
5
kuti munhu wakadai aiswe kunaSatani, nyama iparadzwe, kuti mweya uponeswe pazuva raShe Jesu.
6
Kuzvirumbidza kwenyu hakuna kunaka. Ko hamuzivi kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose here?
7
Bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nokuti paseka yedu, yakatibayirwa isu, ndiKristu;
8
saka ngatiite mutambo, tisingaiti nembiriso yekare, kana nembiriso yokushata nokuipa; asi nechingwa chisina kuviriswa chokururama nechokwadi.
9
Ndakakunyorerai nemwadhi yangu, kuti murege kufambidzana nemhombwe;
10
handiti nemhobwe dzose dzenyika ino, kana vanoruchiva, kana makororo, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro maifanira kubva panyika.
11
Asi zvino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana achinamata zvifananidzo, kana mutuki, kana unosimwa doro, kana gororo; musadya nowakadai.
12
Nokuti ini ndichatongereiko vari kunze? Ko imwi hamutongi vari pakati penyu here?
13
Asi avo vari kunze. Mwari unovatonga. Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16