bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Corinthians 12
1 Corinthians 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
1
Zvino, kana zviri zvipo zvoMweya, hama dzangu, handidi kuti muve vasingazivi.
2
Munoziva kuti panguva yamaiva vahedheni, makanga muchikweverwa kuzvifananidzo, zvisingagoni kutaura, sezvamaitungamirirwa.
3
Saka ndinokuzivisai kuti hakunomunhu unotaura noMweya waMwari, ungati: Jesu ngaatukwe! Vuye, hakunomunhu ungati: Jesu ndiye Ishe, asi noMweya Mutsvene.
4
Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe.
5
Marudzi mazhinji okushumira aripo, uye Ishe mumwe.
6
Marudzi mazhinji amabasa aripo, asi Mwari mumwe, iye unobata zvose munavose.
7
Asi mumwe nomumwe unopiwa kuratidzwa koMweya, kuti vose vabatsirwe.
8
Nokuti mumwe unopiwa noMweya shoko rovuchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya iwoyu;
9
mumwe, kutende muMweya iwoyu; mumwe iwoyu; mumwe zipo zokuporesa muMweya iwoyu;
10
mumwe, kuita mabasa esimba; mumwe, kuporofita; mumwe, kuzivisisa mweya; mumwe, marudzi endimi; mumwe, kududzira ndimi;
11
asi izvi zvose zvinoitwa noMweya iwoyu mumwe chete, unogovera mumwe nomumwe sezvaanoda.
12
Nokuti somuviri uri mumwe, unemitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwe chete; wakadarovo Kristu.
13
Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzirwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiraiki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takamwiswa paMweya mumwe.
14
Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji.
15
Kana rutsoka rukati: Zvandisati ndiri ruvoko, handizi womuviri; ko haruzi rwomuviri, zvarwadaro here?
16
Nenzeve kana ikati: Zvandisati ndiri ziso, handizi womuviri; ko haizi yomuviri here?
17
Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko?
18
Asi zvino Mwari wakaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada.
19
Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waive piko?
20
Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe.
21
Ziso haringati kuruvoko: Handikudi; kana musorovo kutsoka; Handikudiyi imi.
22
Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isinesimba, ndiyo inodikamwa;
23
nemitezo iyo yomuviri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo; nemitezo iyo yedu isina kunaka, ndiyo yova nokunaka kunopfuvurisa;
24
asi mitezo yedu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mwari wakabatanidza muviri wose, akakudza anokupfuvurisa mitezo inoshaiwa kunaka;
25
kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.
26
Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.
27
Zvino, imwi muri muviri waKristu, nomumwe, nomumwe mitezo yawo.
28
Mwari wakaisa vamwe pakereke, pakutanga vapositora, rwechipiri vaporofita, rwechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri navabati, namarudzi mazhinji endimi.
29
Vose vapositora here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vaiti vamabasa esimba here?
30
Vose vanezvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?
31
Asi shingairirai zvipo zvikuru. Ndinokuratidzaivo nzira yakaisvonaka inopfuvura dzose.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16