bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Corinthians 3
1 Corinthians 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
1
Ini, hama dzangu, ndakanga ndisingagoni kutaura nemwi sokuna voMweya, asi sokuna venyama, sokuna vacheche munaKristu.
2
Ndakakupai mukaka mumwe, handina kukupai zvokudya; nokuti makanga musingagoni kudya, nazvino hamugoni.
3
Nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachinegodo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutovo wavanhu here?
4
Nokuti kana mumwe achiti: Ini ndiri waPauro; mumwe; Ini ndiri waAporo; ko hamuzi venyama here?
5
Zvino Pauro ndiani? Aporo ndiani? Asi vabati vamakatenda navo.
6
Ini ndakasima, Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa.
7
Naizvozvo unosima haazi chinhu, kana unodiridza' asi Mwari unomeresa.
8
Zvino unosima nounodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe uchapiwa mubairo wake, sezvaakabata.
9
Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
10
Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki wakachenjera; mumwe unovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti unovaka sei pamusoro padzo.
11
Nokuti hakunomumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu.
12
Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana siravheri, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga;
13
basa romumwe nomumwe richavonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti zvicharatidzwa nomoto; moto uchaidza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.
14
Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, uchapiwa mubairo.
15
Kana basa romunhu rikapiswa, ucharashikirwa, asi iye amene uchaponeswa, asi sowakabuda pamoto.
16
Ko hamuzivi kuti muri tembere yaMwari, uye kuti Mweya waMwari unogara mukati menyu here?
17
Kana munhu achitadzira tembere yaMwari Mwari uchamutadziravo; nokuti tembere yaMwari itsvene, ndimi iyo.
18
Kurege kuva nomunhu unozvinyengera. Kana munhu achiti ndakachenjera pakati penyu panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.
19
Nokuti vuchenjeri bwenyika ino vupenzi kunaMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Unobata vakachenjera, pamano avo.
20
Vuyezve: Ishe unoziva ndangariro dzavakachenjera, kuti hadzinamaturo.
21
Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu unovimba navanhu. Nokuti zvinhu zvose ndezvenyu;
22
kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana vupenyu; kana rufu, kana zvazvino, kana zvinovuya; zvose ndezvenyu;
23
imwi muri vaKristu; naKristu ndowaMwari.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16