bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Corinthians 16
1 Corinthians 16
Shona 2009?
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Zvino, kana zviri zvipo zakavunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira kereke dzeGaratia, itai nemivo seizvozvo.
2
Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, avunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuvunganidzwa, kana ndichisvika.
3
Kana ndasvika, ndichatuma avo vamunotenda nemwadhi, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusaremu.
4
Kana zvakafanira kuti ini ndiendevo, vangaenda neni.
5
Zvino ndichavuya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia.
6
Zvimwe ndichagara nemi, kunyange ndipedze chando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda.
7
Nokuti handidi kukuvonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemwi chinguva, kana Ishe achinditendera.
8
Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita.
9
Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru unebasa guru; navadzivisi vazhinji varipo.
10
Zvino kana Timotio achisvika, chenjerai kuti agare nemwi asingatyi; nokuti unobata basa raShe, sezvandinoita ini.
11
Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu unomuzvidza. Asi mumuperekedze norugare, kuti avuye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwe chete nehama.
12
Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti avuye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama; asi wakanga asingatongodi kuvuya zvino, uchavuya hake kana awana nguva yakanaka.
13
Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe.
14
Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.
15
Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaSitefana, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkaya, vakazviisa kuti vashumire vatsvene
16
Kuti nemivo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata.
17
Ndinofara nokuvuya kwaSitefana, naFotunato, naAkaiako; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi.
18
Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro.
19
Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru munaShe, pamwe chete nekereke iri mumba mavo.
20
Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokusveta kutsvene.
21
Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu.
22
Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave wakatukwa. Ishe unovuya!
23
Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nemi.
24
Rudo rwangu ngaruve nemwi mose munaKristu Jesu. Ameni.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16