bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezekiel 10
Ezekiel 10
Shona 2009?
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 11 →
1
Zvino ndakatarira, ndikaona padenga rakanga riri pamusoro pemisoro yamakerubhi chinhu chakaonekwa pamusoro pawo chakaita sebwe resafire, chakanga chakafanana nechigaro choushe.
2
Akataura nomunhu akanga akafuka mucheka werineni, akati, "Pinda pakati pamakumbo anomonereka, imo munyasi mekerubhi, uzadze maoko ako ose namazimbe anobva pakati pamakerubhi, uakushe pamusoro peguta." Iye akapinda, ini ndichizviona.
3
Zvino makerubhi akanga amire parutivi rworudyi rweimba, panguva yokupinda komurume uyu; gore rikazadza ruvanze rwomukati.
4
Kubwinya kwaJehovha kukakwira kuchibva pakerubhi, kukamira pamusoro pechikumbaridzo cheimba, imba ikazadzwa negore, noruvanze rwakazarawo nokupenya kokubwinya kwaJehovha.
5
Mubvumo wamapapiro amakerubhi wakanzwikwa kusvikira kuruvanze rwokunze, senzwi raMwari waMasimbaose, kana achitaura.
6
Zvino akati araira murume akanga akafuka mucheka werineni, achiti, "Tora moto pakati pamakumbo anomonereka, pakati pamakerubhi," akapinda, akandomira parutivi rwerimwe gumbo.
7
Kerubhi rikatambanudzira ruoko rwaro ruchibuda napakati pamakerubhi kumoto wakanga uri pakati pamakerubhi, rikatorapo moto ndokuuisa muruoko rwowakanga akafuka mucheka werineni, iye ndokuutora ndokubuda.
8
Zvino mukati mamakerubhi makaonekwa chakafanana noruoko rwomunhu pasi pamapapiro awo.
9
Zvino ndakatarira, ndikaona makumbo mana engoro pamativi amakerubhi, rimwe gumbo kurutivi rwekerubhi rimwe, nerimwe gumbo kurutivi rwerimwe kerubhi; pakuonekwa kwawo makumbo akanga akaita sebwe rebheriri.
10
Pakuonekwa kwawo ose ari mana akanga akafanana, zvakaita segumbo rimwe rengoro mukati merimwe gumbo rengoro.
11
Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo, asi kwakanga kwakatarira musoro ndiko kwaakaenda; haana kutsauka pakufamba kwawo.
12
Muviri wawo wose, nemisana yawo, namaoko awo, namapapiro awo, namakumbo engoro, zvakanga zvizere nameso kumativi ose, pamakumbo awo ose ari mana.
13
Kana ari makumbo, ndakanzwa achitumidzwa zvinomonereka.
14
Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina; chiso chokutanga chakanga chiri chiso chekerubhi, chiso chechipiri chakanga chiri chiso chomunhu, chechitatu chiso cheshumba, nechechina chiso chegondo.
15
Zvino makerubhi ndokubhururuka achikwira; ndicho chipenyu chandakaona parwizi Kebhari.
16
Zvino kana makerubhi ofamba, makumbo engoro ofamba kurutivi rwawo; kana makerubhi achinge osimudza mapapiro awo achida kubhururuka achibva panyika, namakumbo awovo haana kubva kurutivi rwawo.
17
Kana omira naiwo omirawo; kana obhururuka achikwira naiwo obhururukawo achikwira nawo; nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mukati mawo.
18
Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakabuda pachikumbaridzo cheimba, ndokumira pamusoro pamakerubhi.
19
Makerubhi ndokusimudza mapapiro awo, ndokubhururuka achibva panyika, ini ndichiaona achibuda, anamakumbo engoro pamativi awo; akamira pamukova wesuo rokumabvazuva reimba yaJehovha; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwawo.
20
Ndicho chipenyu chandakaona panyasi paMwari waIsiraeri parwizi rwaKebhari; ndikaziva kuti makerubhi.
21
Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina, nerimwe nerimwe rakanga rina mapapiro mana; pasi pamapapiro awo pakanga pane zvakafanana namaoko omunhu.
22
Kana zviri zviso zvavo pakuonekwa kwazvo, zvakanga zviri zviso zviya zvandakaona parwizi rwaKebhari, pakuonekwa kwazvo naizvo zvimene; rimwe nerimwe rairuramira mberi pakufamba kwaro.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48