bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezekiel 31
Ezekiel 31
Shona 2009?
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 32 →
1
Zvino negore regumi nerimwe, nomwedzi wechitatu, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2
"Mwanakomana womunhu, iti kuna Farao mambo weIjipiti, nokuvanhu vake vazhinji, `Iwe wakafanana nani paukuru hwako?'
3
"Tarira, muAsiria akanga ari musidhari paRebhanoni, akanga ana mashizha akanaka, nomumvuri wakaita sowedondo, wakareba kwazvo; musoro wawo wakanga uri kumakore.
4
Mvura zhinji yakaumeresa, mvura yapasipasi yakaukurisa; nzizi dzayo dzaiyerera pose pakasimwa, yaisvitsa migero yayo kumiti yose yesango.
5
Naizvozvo muti uyu wakakura kupfuura miti yose yesango, matavi awo akawanda, uye matavi awo akareba nemvura zhinji, nenguva yokumera kwawo.
6
Shiri dzose dzokudenga dzakavaka matendere adzo mumatavi awo, nemhuka dzose dzesango dzakabereka vana vadzo pasi pamatavi, awo; marudzi makuru ose avanhu akagara mumumvuri wawo.
7
"Saizvozvo wakanga wakanaka pakukura kwawo, napakureba kwamatavi awo; nokuti midzi yawo yakanga iri mumvura zhinji.
8
Misidhari mumunda waMwari yakanga isingagoni kuudzitira; miti yemisiperesi haina kufanana nohutavi hwawo, nemipurani yakanga isina kufanana namatavi awo; kwakanga kusina muti mumunda waMwari wakanga wakafanana nawo pakunaka kwawo.
9
Ndakauita zvakanaka nokuwanda kwamatavi awo, naizvozvo miti yose yeEdheni, yaiva mumunda waMwari, yaiugodora.
10
"Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Zvawakakura zvikuru iwe, akaisa musoro wake pakati pamakore, moyo wake ukazvikudza nokuda kokureba kwake,
11
ndichamuisa muruoko rwoune simba pakati pamarudzi avanhu, iye achamuitira zvawakafanira; ndakamudzinga nokuda kwezvakaipa zvake.'
12
Vatorwa, ivo vanotyisa pakati pamarudzi, vakamutema vakamurega, matavi ake akawira pamusoro pamakomo nomumipata yose, matavi ake akavhunikira pahova dzose dzenyika; vanhu vose venyika vabva pamumvuri wake, vakamusiya.
13
Shiri dzose dzekudenga dzichagara padanda rake rakawa, mhuka dzose dzesango dzichava pamatavi ake;
14
kuti miti yose iri pamvura irege kuzvikudza nokureba kwayo, kana kusvitsa misoro yayo mumakore, neine simba pakati payo irege kumira ichizvikudza iyo miti yose inomwa mvura; nokuti yose yakatarirwa rufu, iende kunzvimbo dzapasi dzenyika, pakati pavana vavanhu, pamwechete navanoburukira kugomba."
15
Zvanzi naIshe Jehovha, "Nezuva raakaburukira kuSheori, ndakarayira kuti vanhu vacheme; ndakafukidza pakadzika nokuda kwake, ndikadzora nzizi dzapo, mvura zhinji ikamiswa; ndakarayira Rebhanoni kumuchema, miti yose yokusango ikati rukutu nokuda kwake.
16
Ndakadederesa marudzi ose nokutinhira kokuwa kwake, nenguva yandakamukandira muSheori, pamwechete navanoburukira kugomba; miti yose yeEdheni, iyo yakatsaurwa yakaisvonaka yeRebhanoni, iyo yose inomwa mvura, ikavaraidzwa panzvimbo dzapasi dzenyika.
17
Yakaburukirawo naye kuSheori kuna ivo vakaurawa nomunondo; zvirokwazvo, ndivo vaiva ruoko rwake, vaigara mumumvuri wake pakati pamarudzi.
18
"Iwe wakafanana naniko pakubwinya nohukuru pakati pemiti yeEdheni? Kunyange zvakadaro uchaburuswa pamwechete nemiti yeEdheni kunzvimbo dzapasi dzenyika; uchavata pasi pakati pavasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo. Ndiye Farao navanhu vake vazhinji," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48