bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezekiel 45
Ezekiel 45
Shona 2009?
← Chapter 44
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 46 →
1
Zvino kana muchiganhura nyika nemijenya, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kuvigira Jehovha chipo, uve mugove mutsvene panyika; kureba kwawo kunofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nohupamhi tsanga dzine zviuru zvine gumi, anofanira kuva mutsvene kusvikira kumiganho yawo yose kumativi ose.
2
Ipapo panofanira kuva nzvimbo tsvene yakaita tsanga dzina mazana mashanu pakureba uye tsanga dzina mazana mashanu pahupamhi mativi ose mana akaenzana; uye panofanira kuva noruwa rwakapoteredza kumativi ose runosvika makubhiti makumi mashanu.
3
Zvino pamugove wakaganhurwa unofanira kuyera nzvimbo inosvika zviyero zvinezviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviyero zvine zviuru zvine gumi paupamhi; imomo ndimo munofanira kuva nenzvimbo tsvene, iyo nzvimbo tsvene-tsvene.
4
Uyu unofanira kuva mugove mutsvene wenyika, unofanira kuva navaprista, ivo vanoshumira panzvimbo tsvene, vanoswedera kuna Jehovha kumushumira; inofanira kuva nzvimbo yedzimba dzavo, nenzvimbo tsvene yenzvimbo tsvene.
5
Nzvimbo inosvika zviyero zvinezviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvine gumi paupamhi, inofanira kuva yavaRevhi, ivo vanoshumira paimba, ive nhaka yavo, pavangavaka maguta okugaramo.
6
Nhaka yavo paguta munofanira kuiganhura, iite zviyero zvine zviuru zvishanu pahupamhi, nezvuiru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, parutivi rwechipo chomugove mutsvene; iyo inofanira kuva yeimba yose yaIsiraeri.
7
Mugove womuchinda unofanira kuva kurutivi rumwe nokuno rumwe rutivi rwechipo chitsvene, nokwenhaka iri muguta, pamberi pechipo chitsvene, napamberi penhaka iri muguta, kurutivi rwamavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwamabvazuva zvichienda kumabvazuva; pakureba unofanira kuenzana nomugove mumwe, kubva kumuganhu wokumavirazuva kusvikira kumuganhu wokumabvazuva.
8
Nyika iyo inofanira kuva nhaka yake pakati paIsiraeri; machinda angu haangazomanikidzi vanhu vangu, asi achapa imba yaIsiraeri nyika vachienzanisa namarudzi avo.
9
Zvanzi naIshe Jehovha, "Chiringaniswai nazvo, imwi machinda aIsiraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, tongai zvakarurama nezvakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati pavanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
10
"Munofanira kuva nezviyero zvakarurama, neefa yakarurama, nebhati rakarurama.
11
"Efa nebhati zvinofanira kuva nechiyero chimwe, kuti bhati riite chegumi chimwe chehomeri, uye efa iite chegumi chimwe chehomeri; chiyero chazvo chinofanira kuyerwa nehomeri.
12
Shekeri rinofanira kuita magera makumi maviri; mana yenyu inofanira kuva mashekeri ana makumi maviri, namashekeri namakumi maviri namashanu, namashekeri ane gumi namashanu.
13
Ichi ndicho chipo chamunofanira kuuya nacho: Mugove wechitanhatu weefa pahomeri imwe yezviyo; uye munofanira kupa mugove wechitanhatu cheefa pahomeri yebhari;
14
uye mugove wakatarwa wamafuta, webhati ramafuta, unofanira kuva mugove wegumi webhati wakatorwa pakori, ndiwo mabhati ane gumi, ndiyo homeri imwe nokuti mabhati ane gumi anoita homeri imwe;
15
uye gwayana rimwe paboka ramakwai ana mazana maviri, ari pamafuro akanyatsodiridzwa avaIsiraeri; zvive chipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuvayananisira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16
"Vanhu vose venyika vanofanira kuvigira muchinda waIsiraeri chipo ichi.
17
Muchinda ndiye anofanira kuisa zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvinomwiwa pamitambo napakugara komwedzi, napamaSabata, pamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsiraeri; iye anofanira kugadzira chipiriso chezvivi, nechipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuti ayananisire imba yaIsiraeri.
18
"Zvanzi naIshe Jehovha, `Nomwedzi wokutanga, nezuva rokutanga rwomwedzi, munofanira kutora nzombe duku isina mhosva, ndokunatsa nzvimbo tsvene.'
19
Zvino muprista anofanira kutora ropa rechipiriso chezvivi, ndokuriisa pambiru dzemikova yeimba, napamakona mana omusara wearitari, napambiru dzesuo roruvanze rwomukati.
20
Munofanira kuitawo saizvozvo nezuva rechinomwe romwedzi pamusoro pomumwe nomumwe anotadza, napamusoro pebenzi; saizvozvo munofanira kuyananisira imba.
21
"Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kuita Pasika, uye mutambo wamazuva manomwe; chingwa chisina mbiriso chinofanira kudyiwa.
22
Nezuva iro muchinda anofanira kuzvigadzirira iye, navanhu vose venyika, nzombe chive chipiriso chezvivi.
23
Namazuva manomwe omutambo anofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa, zvinoti nzombe nomwe namakondobwe manomwe zvisina mhosva, zuva rimwe nerimwe pamazuva iwayo manomwe; uye nhongo imwe zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chezvivi.
24
"Uye anofanira kugadzira chipiriso choupfu, efa imwe panzombe imwe neimwe, neefa imwe pahondobwe rimwe nerimwe, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
25
"Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namashanu romwedzi, pamutambo, anofanira kuita saizvozvo namazuva iwayo manomwe, sezvaakarayirwa pamusoro pechipiriso chezvivi, napamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pechipiriso choupfu, napamusoro pamafuta."
← Chapter 44
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 46 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48