bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezekiel 18
Ezekiel 18
Shona 2009?
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 19 →
1
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
2
"Ndokudiniko kana muchibata netsumo iyi panyika yaIsiraeri, muchiti, `Madzibaba akadya mazambiringa anovava, meno avana ndokuhwadzira?'
3
Noupenyu hwangu," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, "Hamungagoni kuzobata netsumo iyi pakati paIsiraeri.
4
Tarirai, mweya yose ndeyangu; mweya wababa ndowangu, saizvozvo nomweya womwanakomanawo; mweya unotadza, uchafa.
5
Asi kana munhu achinge akarurama, achiita zvomurayiro nezvakarurama,
6
asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake kuzvifananidzo zveimba yavaIsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake, kana kuswedera kumukadzi ari kumwedzi kwake,
7
asina kuitira vamwe zvakaipa, akadzosera rubatso rwake kuno wakatora chikwereti, asina kutora chinhu achipamba, akapa vane nzara zvokudya zvake, akafukidza akashama nenguvo;
8
asina kuita mhindu, kana kutora mhindu yemichero, akadzora ruoko rwake pazvakaipa, akaruramisa kwazvo pamhaka yomunhu nehama yake,
9
akafamba nemitemo yangu, akachengeta zvandakarayira, kuti aite zvamazvokwadi; iye akarurama, zvirokwazvo achararama," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
10
"Kana iye akabereka mwanakomana riri gororo, kana muteuri weropa, kana anoita chimwe chezvinhu izvi,
11
asingaiti chinhu chimwe chaizvozvo zvakanaka, akadya pamakomo, akachinyira mukadzi wowokwake,
12
akaitira varombo navanoshayiwa zvakaipa, akatora achipamba, asina kudzosera rubatso, akatarira zvifananidzo nameso ake, akaita zvinonyangadza,
13
akaita mhindu, kana kutora mhindu yemichero; ko iye achararama here? Haangararami. Akaita izvi zvose zvinonyangadza, zvirokwazvo achafa; ropa rake richava pamusoro pake.
14
"Zvino, tarira, kana akabereka mwanakomana, anoona zvivi zvose zvababa vake, zvavakaita, akazviona hake, akasaita zvakadai;
15
asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake zvifananidzo zveimba yavalsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake,
16
asina kuitira vamwe zvakaipa, asina kutora chinhu achireva rubatso, asina kutora chinhu achipamba, asi akapa vane nzara zvokudya zvake, nokufukidza akashama nechokufuka;
17
akadzora ruoko rwake pakuitira varombo zvakaipa, asina kutora mhindu kana mhindu yemichero, akaita zvandakarayira, nokufamba nemitemo yangu; iye haangafi nokuda kwezvakaipa zvababa vake, zvirokwazvo achararama.
18
Kana vari baba vake, zvavakamanikidza zvikuru, nokupamba zvinhu zvomunun'una wake, akaita zvisina kunaka pakati pavanhu vake, tarirai, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake.
19
"Asi imwi munoti, `Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?' Kana mwanakomana achinge aita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, akachengeta mitemo yangu yose, akaiita, zvirokwazvo achararama.
20
Munhu anotadza, ndiye achafa; mwanakomana haangavi nemhosva yezvakaipa zvababa vake, nababa havangavi nemhosva yezvakaipa zvomwanakomana wavo; kururama kowakarurama kuchava pamusoro pake, nokuipa kowakaipa kuchava pamusoro pake.
21
"Asi kana akaipa akatendeuka pazvivi zvake zvose zvaakaita, akachengeta mitemo yangu yose, akaita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, zvirokwazvo achararama, haangafi.
22
Kudarika kwake kose kwaakaita hakungarangarirwi pamusoro pake; achararama nokuda kwezvakarurama zvaakaita.
23
Ko ini ndingatongofarira rufu rwowakaipa here?" Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; "Handizinofarira kudzoka kwake panzira yake, ararame here?
24
"Asi kana akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, akaita zvinonyangadza zvose zvinoitwa nomunhu akaipa, ko angararama here? Mabasa ake akarurama aakaita haangatongorangarirwi; nokuda kokudarika kwake, kwaakadarika nako, nezvivi zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo.
25
"Asi imwi munoti, `Nzira yaIshe haina kururama.' Zvino chinzwai, imwi mhuri yavaIsiraeri, nzira yangu haina kururama here? Ko nzira dzenyu hadzizi idzo dzisina kururama here?
26
Kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, akafa nokuda kwazvo; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita.
27
Uyezve, kana munhu akaipa akatsauka pazvakaipa zvake zvaakaita, akazoita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, achaponesa upenyu hwake.
28
"Zvaakarangarira, akatsauka pakudarika kwake kose kwaakaita, zvirokwazvo achararama, haangafi.
29
Kunyange zvakadaro, vaIsiraeri vanoti, `Nzira yaIshe haina kururama.' Nhai, mhuri yavaIsiraeri, nzira dzangu hadzina kururama here? Hadzizi nzira dzenyu dzisakarurama here?
30
"Naizvozvo ndichakutongai, imwi mhuri yavaIsiraeri, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. "Dzokai, mutendeuke pakudarika kwenyu kose; kuti chirege kuva chigumbuso chezvakaipa kwamuri.
31
Rashai kure nemwi kudarika kwenyu kose, kwamakadarika nako, muzviitire moyo mitsva nemweya mitsva; nokuti muchafireiko, imwi mhuri yavaIsiraeri?
32
Nokuti handifariri rufu rwounofa," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; naizvozvo tendeukai, murarame.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48