bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezekiel 40
Ezekiel 40
Shona 2009?
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 41 →
1
Zvino negore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namana rakatevera kurohwa kweguta, nezuva iroro, ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu.
2
Pane zvandakaratidzwa naMwari, akandisvitsa munyika yaIsiraeri, akandiisa pagomo refu-refu, pakanga pane chinhu chakanga chakafanana neguta kurutivi rwezasi.
3
Akandiisako; zvino tarira, kwakanga kuno murume, pakuonekwa kwake akanga akaita sendarira, anorwonzi rwerineni muruoko rwake, norutsanga rwokuyeresa narwo; akamira pasuo.
4
Murume uyo akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeve dzako, urangarire nomoyo wako zvose zvandichakuratidza; nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridzira imba yaIsiraeri zvose zvaunoona."
5
Zvino tarira, kwakanga kuno rusvingo rwakapoteredza imba nechokunze; muruoko rwomurume uyo makanga munorutsanga rwokuyeresa narwo, rwakasvika mamita matanhatu pakureba kwarwo, rimwe nerimwe richiitawo mita imwe nohupamhi bwechanza; ipapo akayera ukobvu hworusvingo, hukaita rutsanga rumwe, nokureba rutsanga rumwe.
6
Zvino wakasvika pasuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akakwira nezvikwiriso zvaro, akayera chikumbaridzo chesuo, zvikaita rutsanga rumwe, nechimwe chikumbaridzozve, zvikaita rutsanga rumwe.
7
Kamuri imwe neimwe yavarindi yakanga yakaita rutsanga rumwe pakureba, norutsanga rumwe paupamhi; pakati pamakamuri pakanga panamamita mashanu; uye chikumbaridzo chesuo pabiravira resuo kurutivi rweimba chakaita rutsanga rumwe.
8
Akayerawo biravira resuo kurutivi rweimba, zvikaita rutsanga rumwe.
9
Ipapo akayera biravira resuo, zvikaita mamita masere, nembiru dzaro, mamita maviri; biravira resuo rakanga riri kurutivi rweimba.
10
Makamuri esuo rokumabvazuva aiva matatu nechemberi namatatu necheseri, ose matatu aiva nechiyero chimwe, nembiru dzaiva nechiyero chimwe nechemberi necheseri.
11
Akayera upamhi hwomukova bwesuo, zvikaita mamita ane gumi; nokureba kwesuo, mamita ane gumi namatatu.
12
Kwakanga kuno rumhanda pamberi pamakamuri, rwakaita mita rimwe nechemberi, norumhanda rwakaita mita rimwe necheseri.
13
Akayera suo kubva padenga rekamuri imwe kusvikira padenga reimwe, zvikaita mamita makumi maviri namashanu pakufara; mukova mumwe wakatarisana nomumwe mukova.
14
Akaitawo mbiru, dzakasvika mamita makumi matanhatu; ruvanze rwakanga rwakapoteredza suo kusvikira pambiru.
15
Zvino kubva pamberi pesuo, pavanopinda napo, kusvikira pamberi pebiravira resuo romukati, zvakaita mamita makumi mashanu.
16
Mumakamuri makanga muna mahwindo akapfigwa, nomumbiru dzawo mukati mesuo kumativi ose, saizvozvowo pamabiravira; mahwindo akanga aripowo kumativi ose nechomukati; pambiru imwe neimwe pakanga pane miti yemichindwe.
17
Zvino akandiisa muruvanze rokunze, ndikaona makamuri neguva rakarongwa namabwe, zvakaitirwa ruvanze kumativi ose; kwakanga kuna makamuri makumi matatu paguva rakarongwa.
18
Guva rakarongwa rakanga riri kurutivi rwamasuo, rakaenzana pakureba kwaro namasuo, iro guva rakarongwa rapasi.
19
Zvino wakayera hupamhi kubva pamberi pesuo rapazasi kusvikira kunze pamberi poruvanze rwomukati, zvikaita mamita ane zana, kurutivi rwamabvazuva nokurutivi rwokumusoro.
20
Wakayerawo kureba nohupamhi bwesuo roruvanze rwokunze rakatarira kurutivi rwokumusoro.
21
Makamuri aro aiva matatu nechemberi, namatatu necheseri; mbiru dzaro namabiravira aro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuo rokutanga; kureba kwaro kwakasvika mamita makumi mashanu nohupamhi mamita makumi maviri namashanu.
22
Mahwindo aro, namabiravira aro, nemichindwe yaro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; vanhu vaikwirako nezvikwiriso zvinomwe; mabiravira aro akanga ari pamberi paro.
23
Muruvazhe rwomukati makanga munesuo rakatarisana nerimwe suo, kurutivi rwokumusoro nokurutivi rwamabvazuva; akayera kubva kune rimwe suo kusvikira kune rimwe suo zvikaita makubhiti ane zana.
24
Zvino akaenda neni kurutivi rwezasi, ndikaona suo kurutivi rwezasi; akayera mbiru dzaro namabiravira aro nezviyero izvozvo.
25
Mahwindo aivapo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose, akafanana namahwindo iwayo; pakureba kwazvo zvakaita mamita makumi mashanu, nokufara kwazvo mamita makumi maviri namashanu.
26
Kwakanga kune zvikwiriso zvinomwe zvokukwira nazvo kwariri; mabiravira aro akanga ari pamberi paro; uye rakanga rine michindwe pambiru dzaro, mumwe nechemberi nomumwe necheseri.
27
Kwakanga kune suo paruvanze rwomukati kurutivi rwezasi; akayera kubva kune rimwe suo kusvikira kune rimwe suo kurutivi rwezasi zvikaita mamita ane zana.
28
Zvino wakandiisa kuruvanze rwomukati kusuo rezasi; akayera suo rezasi nezviyero izvozvi;
29
namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; kwakanga kuna mahwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakanga zvakaita makubhiti makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
30
Kwakanga kuna mabiravira kumativi ose, akaita mamita makumi maviri namashanu pakureba, namamita mashanu pahupamhi.
31
Mabiravira aro akanga akatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe pambiru dzaro; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
32
Zvino wakandiisa muruvanze rwomukati kurutivi rwamabvazuva, akayera suo nezviyero izvozvi;
33
namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; makanga muna mahwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakaita mamita makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
34
Mabiravira aro akanga akatarira kuruvazhe rwokunze, kwakanga kune michindwe pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
35
Zvino wakandiisa kusuo rokumusoro, akariyera nezviyero izvi;
36
makamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro; makanga muna mahwindo mukati maro kumativi ose; pakureba zvakaita mamita makumi mashanu, napahupamhi mamita makumi maviri namashanu.
37
Mbiru dzaro dzakanga dzakatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe yakavezwa pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
38
Pambiru pamasuo pakanga pane kamuri yaiva nomukova wayo; ndipo pavaisuka zvipiriso zvinopiswa.
39
Mubiravira resuo makanga muna matafura uku maviri nechemberi, namatafura maviri necheseri, pokubayira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi nezvibayiro zvemhosva.
40
Kurutivi rwokunze, kana munhu achikwira kundopinda pasuo kurutivi rwokumusoro kwakanga kuna matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rwebiravira resuo, kwakanga kuna matafura maviri.
41
Kwakanga kuna matafura mana kune rumwe rutivi, namatafura mana kurutivi rweseri, kurutivi rwesuo, matafura masere paibayirwa zvibayiro.
42
Kwakanga kuna matafura mana amabwe akavezwa, ezvipiriso zvinopiswa; pakureba akasvika mita nehafu, pahupamhi mita nehafu, pakukwirira mita nehafu; ndipo pavakaisa nhumbi dzavaibayira nadzo zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro.
43
Zvikokovonho, zvakanga zvakaita soupamhi bwechanza pakureba kwazvo, zvakanga zvakasungirwa kumativi ose; pamatafura pakanga pane nyama yokuvonga.
44
Kunze kwesuo romukati kwakanga kuna makamuri avaimbi voruvanze rwomukati, rwaiva kurutivi rwesuo rokumusoro; iwo akatarira kurutivi rwezasi, rimwe kurutivi rwamabvazuva richitarira kurutivi rwokumusoro.
45
Zvino akati kwandiri, "Kamuri iri, rakatarira kurutivi rwezasi, nderavaprista, ivo vachengeti vebasa reimba;
46
kamuri, rakatarira kurutivi rwokumusoro, nderavaprista, vachengeti vebasa rearitari; ndivo vanakomana vaZadhoki, vanobva pakati pavanakomana vaRevi vachaswedera kuna Jehovha kuzomushumira."
47
Zvino akayera ruvanze, zvikaita mamita ane zana pakureba, namamita ane zana paupamhi, mativi mana akaenzana; aritari yakanga iri pamberi peimba.
48
Zvino akandiisa pabiravira reimba, akayera mbiru imwe neimwe yebiravira, zvikaita makubhiti mashanu kune rumwe rutivi, namamita mashanu kurutivi rweseri; upamhi bwesuo hwakaita mamita matatu kune rumwe rutivi mamita matatu kurutivi rweseri.
49
Kureba kwebiravira kwakanga kuchiita mamita makumi maviri, noupamhi mamita ane gumi nerimwe, ipapo pazvikwiriso zvavaikwira nazvo; pambiru dzesuo pakanga pane dzimwe mbiru, imwe kuno rumwe rutivi, neimwe kurutivi rweseri.
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48