bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezekiel 7
Ezekiel 7
Shona 2009?
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 8 →
1
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2
"Iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yaIsiraeri, `Kuguma, kuguma kwasvika pamakona mana enyika.'
3
"Zvino kuguma kwasvika kwauri, ini ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichakutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa pamusoro pako zvinonyangadza zvako zvose.
4
Ziso rangu haringakupembedzi, handingavi netsitsiwo; asi ndichauyisa nzira dzako pamusoro pako, nezvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
5
"Zvanzi naIshe Jehovha, `Njodzi, njodzi imwechete, tarirai, inouya.'
6
Kuguma kwasvika, kuguma kwasvika; kunokumukira mangwanani; tarirai, kwasvika.
7
"Dzoro rako rasvika, iwe ugere panyika; nguva yasvika, zuva rava pedo, zuva rebope, asati ari maungira amakomo.
8
"Zvino ndobva ndodururira hasha dzangu pamusoro pako, ndichapedza kutsamwa kwangu pamusoro pako, nokukutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa zvinonyangadza zvako zvose pamusoro pako.
9
Ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsiwo; ndichauyisa pamusoro pako zvakafanira nzira dzako; zvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndinorova."
10
Tarirai zuva, tarirai rosvika; dzoro rako rabuda; shamhu yatumbuka, kuzvikudza kwabukira.
11
Kuita nesimba kwamuka, kwaita shamhu yezvakashata; hakuna chichasara kwavari, kana pavanhu vavo vazhinji, kana pafuma yavo; hakungavi nechinhu chakanaka pakati pavo.
12
Nguva yasvika, zuva rava pedo; mutengi ngaarege kufara, mutengesi ngaarege kuchema; nokuti kutsamwa kuri pamusoro pavanhu vose venyika.
13
Nokuti mutengesi haangadzokeri kune chakatengeswa, kunyange vachiri vapenyu; nokuti zvakaonekwa pamusoro pavazhinji vose venyika hazvingadzoswi; hakuna angazvisimbisa nezvakaipa zviri pamugariro wake.
14
Vakaridza hwamanda, vakagadzira zvose asi hakuna anoenda kundorwa; nokuti kutsamwa kwangu kuri pamusoro pavazhinji vose venyika.
15
Munondo uri kunze, hosha yakaipa nenzara zviri mukati; ari kusango achaurawa nomunondo; ari muguta achaparadzwa nenzara nehosha yakaipa.
16
Asi vanopukunyuka pakati pavo vachapukunyuka; vachava pamakomo senjiva dzemipata, vachichema vose, mumwe nomumwe pamusoro pezvakaipa zvake.
17
Maoko ose achashayiwa simba, mabvi ose achayerera mvura.
18
Vachazvisunga zviuno namasaga, vachafukidzwa nokutya kukuru, kunyara kuchava pazviso zvose, nemhanza pamisoro yavo yose.
19
Vacharasha sirivha yavo panzira dzomumusha, nendarama yavo ichava sechinhu chisina kunaka; sirivha yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; hazvingagutisi mweya yavo kana kuzadza vura bwavo, nokuti ndicho chaiva chigumbuso chezvakaipa zvavo.
20
Kana huri ukomba hwavo hwakanaka, vakaita manyawi nazvo; asi vakaita nazvo zvifananidzo zvezvinonyangadza zvavo nezvezvinosemesa zvavo; naizvozvo ndichachiita kwavari sechinhu chisina kunaka.
21
"Ndichachiisa mumaoko avatorwa chive chinhu chakapambwa, ivo vachasvibiswa.
22
"Ndicharambawo kuvatarira nechiso changu, vachasvibisa fuma yangu; mbavha dzichapindamo, dzichiisvibisa.
23
Itai ngetani, nokuti nyika izere ne mhaka dzeropa, guta rizere nokuita nesimba.
24
"Naizvozvo ndichauyisa marudzi akanyanya kuipa kwazvo, ivo vachatora dzimba dzavo; ndichagumisawo manyawi avane simba, nenzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa.
25
Njodzi inouya; vachatsvaka rugare, asi harungavipo.
26
"Njodzi ichateverwa nenjodzi, guhu richateverwa neguhu; vachandotsvaka kumuporofita zvaakaona, asi murayiro uchanyangarikira muprista, namano achashaikwa kuvakuru.
27
Mambo achachema, muchinda achafuka kuparadza, namaoko avanhu venyika achakanganiswa; ndichavaitira zvakafanira nzira dzavo, ndichavatonga sezvavakafanira; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha."
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48