bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezekiel 47
Ezekiel 47
Shona 2009?
← Chapter 46
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 48 →
1
Zvino akandidzosera kumukova weimba, ndikaona mvura zhinji ichibuda pasi pechikumbaridzo cheimba kurutivi rwamabvazuva, nokuti imba yakanga yakatarira kurutivi rwamabvazuva nechemberi kwayo; mvura yakayerera ichibva nechapasi, kurutivi rworudyi rweimba, kurutivi rwezasi rwearitari.
2
Zvino akandibudisa nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro, akapota neni nenzira yokunze kusvikira kusuo rokunze, nenzira yesuo rakanga rakatarira kurutivi rwezasi; zvino tarira, mvura zhinji yakanga ichibuda kurutivi rworudyi.
3
Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva anorwonzi muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo.
4
Zvino akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kumabvi. Akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuchiuno.
5
Shure kwaizvozvo akayera mamita ane chiuru chimwe; zvino rwakanga rwava rwizi, rwandakakoniwa kuyambuka; nokuti mvura yakanga yakwirira, yava mvura mungashambira munhu, ruri rwizi rusingabviri kuyambukwa.
6
Akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, waona chinhu ichi here?" Zvino akaenda neni, akandidzosera kumhenderekedzo yorwizi.
7
Ndakati ndadzoka, ndikaona pamhenderekedzo yorwizi miti mizhinji kwazvo kuno nemhiri.
8
Zvino akati kwandiri, "Mvura iyi zhinji inobuda ichienda kunyika iri kumabvazuva, ichayerera kusvikira kuArabha, ndokuenda kurutivi rwegungwa; zvino ichandodira mugungwa, kuti mvura iporeswe.
9
Zvino zvipenyu zvose zvinopfakanyika pose panosvika nzizi idzi mbiri, zvichararama; hove zhinji kwazvo dzichavapo, nokuti mvura iyi yakasvikako, mvura yose ichaporeswa, uye zvose zvichararama pose panosvika rwizi.
10
"Vateyi vehove vachamirapo, kubva Engedhi kusvikira Enegiraimi vachateyapo utava; hove dzichavapo dzakafanana nehove dzegungwa guru namarudzi adzo, dziri zhinji kwazvo.
11
Asi panamatope napanamachakwi hapangaporeswi; acharegererwa munyu.
12
Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, kuno nemhiri, pachamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isingaomi mashizha ayo, uye isingashaiwi' zvibereko zvayo; ichabereka zvibereko zvitsva mwedzi mumwe nomumwe, nokuti mvura yarwo inobuda panzvimbo tsvene; michero yayo ichava zvokudya, namashizha ayo achaporesa."
13
Zvanzi naIshe Jehovha, "Iyi ndiyo miganho, yamunofanira kuganhura nyika nayo ive nhaka yamarudzi ane gumi namaviri alsiraeri: Josefa anofanira kupiwa migove miviri.
14
Munofanira kugara nhaka, mumwe achienzaniswa nomumwe; nokuti ndakapika kuti ndichaipa madzibaba enyu; nyika iyi ichava nhaka yenyu.
15
Iyi ndiyo miganho yenyika: Kurutivi rwokumusoro, kubva kugungwa guru, nenzira yeHetironi, kusvikira pavanopinda vachienda Zedhadhi;
16
neHamati, neBherota, neShibhiraimi, riri pakati pomuganhu weDhamasiko nomuganhu weHamati; neHazerihatikoni, riri pamuganhu weHaurani.
17
"muganhu unobva kugungwa ndiHazarienoni pamuganhu weDhamasiko; kurutivi rwokumusoro, zvichienda kumusoro, muganhu ndiHamati. Ndirwo rutivi rwokumusoro.
18
Kurutivi rwamabvazuva pakati peHaurani neDhamasiko nenyika yalsiraeri, muganhu unofanira kuva Jorodhani; munofanira kuyera kubva kumuganhu wokumusoro kusvikira kugungwa rokumabvazuva. Ndirwo rutivi rwamabvazuva.
19
Rutivi rwezasi zvichienda zasi, muganhu uchabva paTamari kusvikira kumvura yeMeribhatikadheshi, kusvikira kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru. Ndirwo rutivi rwezasi, zvichienda zasi.
20
"Kurutivi rwamavirazuva muganhu unofanira kuva gungwa guru, kubva kurutivi rwezasi kusvikira pakatarisana navanopinda kana vachienda Hamati. Ndirwo rutivi rwamavirazuva.
21
"Saizvozvo munofanira kuzviganhurira nyika iyi, zvichienzana namarudzi alsiraeri.
22
Munofanira kuiganhura nemijenya, ive nhaka yenyu neyavatorwa vagere pakati penyu, vanozobereka vana pakati penyu; ivo vanofanira kuva kwamuri savakaberekwa pakati paIsiraeri; vanofanira kugara nhaka pamwechete nemwi pakati pamarudzi alsiraeri.
23
Pakati porudzi pagere mutorwa ndipo pamunofanira kumupa nhaka yake," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
← Chapter 46
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 48 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48