bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezekiel 46
Ezekiel 46
Shona 2009?
← Chapter 45
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 47 →
1
Zvanzi naIshe Jehovha, "Suo roruvanze rwomukati rakatarira kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo; asi nezuva reSabata rinofanira kuzarurwa, uye nezuva rokugara komwedzi rinofanira kuzarurwa.
2
Muchinda anofanira kupinda napanzira yebiravira resuo rokunze, ndokumira pambiru yesuo; zvino vaprista vanofanira kumugadzirira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, iye agonamata pachikumbaridzo chesuo; ipapo anofanira kubuda; asi suo harifaniri kupfigwa kusvikira madekwana.
3
Vanhu venyika vanofanira kunamata pamukova wesuo iro pamberi paJehovha pamaSabata napakugara kwemwedzi.
4
"Chipiriso chinopiswa, chinovigirwa Jehovha nomuchinda nomusi weSabata chinofanira kuita makwayana matanhatu asina mhosva nehondobwe risina mhosva;
5
uye chipiriso choupfu chinofanira kuita efa imwe pahondobwe, uye chipiriso choupfu pamakwayana sezvaanogona kupa, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
6
Nezuva rokugara komwedzi zvinofanira kuita nzombe duku isina mhosva, namakwayana matanhatu, nehondobwe; zvinofanira kuva zvisina mhosva.
7
Zvino iye anofanira kugadzira chipiriso choupfu, efa imwe panzombe, neefa imwe pahondobwe, napamakwayana sezvaanogona, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
8
"Kana muchinda achipinda, anofanira kupinda nenzira yebiravira resuo, uye anofanira kubuda nenzira iyo.
9
"Asi kana vanhu venyika vachiuya pamberi paJehovha pamitambo yakatarwa, anopinda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro kuzonamata, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwezasi; anopinda napanzira yesuo rokurutivi rwezasi, anofanira kubuda nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro; haafaniri kudzoka nenzira yaakauya nayo, asi anofanira kufamba akatarira mberi.
10
"Kana vachipinda, muchinda anofanira kupinda ari pakati pavo; kana vachibuda vanofanira kubuda pamwechete.
11
Pamitambo napanguva dzemitambo chipiriso choupfu chinofanira kuita efa imwe panzombe, neefa imwe pahondobwe, napamakwayana sezvaanogona kupa, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
12
"Kana muchinda achigadzira chipiriso chokungopa nokuzvidira, kana chipiriso chinopiswa, kana zvipiriso zvokuyananisa, chive chipiriso chokungopa Jehovha nokuzvidira, mumwe anofanira kumuzarurira suo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; anofanira kugadzira chipiriso chake chinopiswa nezvipiriso zvake zvokuyananisa, sezvaanoita nomusi weSabata, ipapo anofanira kubuda; kana abuda mumwe anofanira kupfiga suo."
13
"Anofanira kugadzirawo zuva rimwe nerimwe gwayana regore rimwe risina mhosva, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha; anofanira kurigadzira mangwanani ose.
14
Pamwechete naro anofanira kugadzira mangwanani ose chipiriso choupfu, chinoti mugove wechitanhatu weefa, nomugove wechitatu wehini yamafuta kunyorovesa nawo upfu hwakatsetseka; chive chipiriso choupfu kuna Jehovha nguva dzose nomutemo usingaperi.
15
Saizvozvo vanofanira kugadzira gwayana, nechipiriso choupfu, namafuta, mangwanani ose, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose."
16
Zvanzi naIshe Jehovha, "Kana muchinda akapa mumwe wavanakomana vake chipo, yava nhaka yake, chichava chavanakomana vake; chava chavo nokugara nhaka.
17
Asi kana akapa mumwe wavaranda vake chipo chinobva panhaka yake, chichava chake kusvikira pagore rokusunungurwa; ipapo chinofanira kudzokera kumuchinda; asi kana iri nhaka yake ichava yavanakomana vake.
18
Uye muchinda haafaniri kutorera vanhu nhaka yavo, kuti avadzinge panyika yavo; anofanira kupa vanakomana vake nhaka inobva pane zvake, kuti vanhu vangu varege kuparadzirwa mumwe nomumwe abve pane zvake."
19
Zvino akapinda neni napamukova, akanga ari parutivi rwesuo, mumakamuri matsvene avaprista, akatarira kurutivi rwokumusoro; zvino tarira, kwakanga kune nzvimbo nechemberi kurutivi rwamavirazuva.
20
Akati kwandiri, "Iyi ndiyo nzvimbo panofanira kubika vaprista chipiriso chemhosva nechipiriso chezvivi, uye pavanofanira kubika chipiriso choupfu; kuti varege kubuda nazvo kuruvanze rwokunze, kuzonatsa vanhu nazvo."
21
Zvino akaenda neni kuruvanze rwokunze, akandifambisa napamakona mana oruvanze; zvino tarira, pakona rimwe nerimwe roruvanze pakanga pano ruvanze.
22
Pamakona mana oruvanze pakanga pana mavanze akakomberedzwa, akaita mamita makumi mana pakureba, namakumi matatu pakufara; awa mana pamakona akanga akaenzana.
23
Mukati mawo makanga mune chidziro kumativi ose, chakanga chakakomberedza iwo mana, uye pakanga pane zvoto zvokubikira munyasi mechidziro kumativi ose.
24
Zvino akati kwandiri, "Idzi ndidzo dzimba dzokubikira, panofanira kubikirwa zvibayiro zvavanhu navanoshumira paimba."
← Chapter 45
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 47 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48