bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezekiel 14
Ezekiel 14
Shona 2009?
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 15 →
1
Zvino vamwe vakuru vaIsiraeri vakauya kwandiri, vakagara pasi pamberi pangu.
2
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
3
"Mwanakomana womunhu, vanhu ava vakapinza zvifananidzo zvavo mumoyo yavo, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvavo pamberi pavo; zvino ndingatongotenda kubvunzwa navo here?
4
"Naizvozvo taura navo, uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, munhu mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri anopinza zvifananidzo zvake mumoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita, ini Jehovha ndichamupindura zvakafanira izvozvo, zvakafanira kuwanda kwezvifananidzo zvake;
5
kuti ndibate imba yaIsiraeri mumoyo yavo, nokuti vava vatorwa kwandiri nemhaka yezvifananidzo zvavo.'
6
"Naizvozvo iti kuimba yaIsiraeri, `Zvanzi naIshe Jehovha, dzokai, mufuratire zvifananidzo zvenyu, mufuratidze zvinonyangadza zvenyu zvose zviso zvenyu.'
7
Nokuti mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere panyika yaIsiraeri, anoparadzana neni, achipinza zvifananidzo zvake mumoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita kuti iye andibvunze nokuda kwake, ini Jehovha ndichamupindura ndimene;
8
ndicharinzira munhu uyo chiso changu ndimuitire zvakaipa, ndichamuita chishamiso nechiratidzo netsumo, ndichamubvisa pakati pavanhu vangu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
9
"Zvino kana muporofita akanyengerwa, akataura shoko, ini Jehovha, ndini ndanyengera muporofita uyo, ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pake, ndimuparadze pakati pavanhu vangu vaIsiraeri.
10
Vachava nemhosva yavo; zvakaipa zvomuporofita zvichaenzana nezvakaipa zveanobvunza kwaari;
11
kuti imba yaIsiraeri irege kuzotsauka kwandiri, kana kuzozvisvibisa nokudarika kwavo kose, asi vave vanhu vangu, neni ndive Mwari wavo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
12
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
13
"Mwanakomana womunhu, kana kune nyika ichinge yanditadzira nokudarika, ini ndikatambanudzira ruoko rwangu pamusoro payo, ndikavhuna mudonzvo wezvokudya zvayo, ndikatuma nzara pamusoro payo, nokuparadzapo vanhu nezvipfuwo;
14
kunyange vanhu ava vatatu, nowa naDhanyeri naJobho, vakavamo, vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15
"Kana ndikafambisa zvikara munyika, zvikaipedzera vana, ikaitwa dongo, kukasava nomunhu angagona kufambamo nemhaka yezvikara;
16
kunyange varume ava vatatu vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana; ivo voga vangarwirwa, asi nyika ichaitwa dongo.
17
"Zvimwe kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika iyo, ndikati, `Munondo, pfuura napakati penyika!' Ndikaparadzamo vanhu nezvipfuwo,
18
kunyange varume ava vatatu vaivamo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana, asi ivo vamene voga vangwarwirwa.
19
Zvimwe kana ndikatuma hosha yakaipa munyika iyo, ndikadurura hasha dzangu pamusoro payo neropa, kuti ndiparadzemo vanhu nezvipfuwo;
20
kunyange nowa naDhanyeri naJobho vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, havangwarwiri mwanakomana kana mwanasikana; vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo."
21
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, "Ndoda, kana ndikatuma pamusoro peJerusaremu zvakaipa zvina zvandakavatongera, zvinoti, munondo nenzara nezvikara zvakaipa nehosha yakaipa, kuti ndiparadzemo vanhu nezvipfuwo!
22
Asi tarirai, vamwe vakasara vacharegwamo vachapukunyuka, vachatapwa, vari vanakomana navanasikana; tarirai, vachasvika kwamuri, muchaona nzira yavo nezvavanoita; ipapo muchanyaradzwa pamusoro pezvakaipa zvandakauyisa pamusoro peJerusaremu, pamusoro pezvose zvandakauyisa pamusoro paro.
23
Ivo vachakunyaradzai, kana muchiona nzira yavo nezvavanoita; ipapo muchaziva kuti handina kuita pasina zvose zvandakaitamo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48