bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezekiel 17
Ezekiel 17
Shona 2009?
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 18 →
1
Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2
"Mwanakomana womunhu, taurira veimba yaIsiraeri chirabwe, ureve mufananidzo kwavari;
3
uti, 'Zvanzi naIshe Jehovha, gondo guru rina mapapiro makuru neminhenga mirefu, rinamambava mazhinji ana mavara-mavara, rakasvika Rebhanoni, rikatora musoro womuSidhari,
4
rikavhuna davi rokumusoro pamatavi aro manyoro, rikaenda naro kunyika yavashambadziri, ndokuriisa muguta ravatengesi.'
5
Rakatorawo dzimwe mbeu dzenyika, ndokudzikavira pavhu rakaorera, rikadziisa parutivi rwemvura zhinji, rikadzisima semiti yemikonachando.
6
Davi rikamera, rikaita muzambiringa unotanda wakapfupika, kuti matavi awo atarire kwariri, nemidzi yawo ive pasi pawo; saizvozvo rakaita muzambiringa, wakabudisa matavi nokutungira hutavi huduku.
7
"Zvino kwakanga kune rimwe gondozve rina mapapiro makuru namambava mazhinji; zvino tarira muzambiringa uyu wakarerekera midzi yawo kwariri nokutungirawo matavi aro kwariri, zvichibva pandima pawakanga wakasimwa, kuti riudiridze.
8
"Wakanga wakasimwa pavhu rakanaka pane mvura zhinji, kuti ubudise matavi, nokubereka michero, uve muzambiringa wakanaka.
9
"Zvino iwe uti, `Zvanzi naIshe Jehovha, muti ucharamba uchifara here?' Ko gondo haringadzuri midzi yawo, nokugura michero yawo, kuti mashizha awo achangobukira, aome here? Hakungadikamwi ruoko rune simba, kana vanhu vazhinji, kuudzura nemidzi yawo.
10
"Zvirokwazvo, tarira, zvawasimwa ucharamba uchifara here? Haungaomi chose kana ukarohwa nemhepo inobva mabvazuva here? Uchaomera pandima pawakanga wamera."
11
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,
12
"Zvino uti kuimba inondimukira simba, 'Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinoreveiko?' Chivaudza, uti, `Tarira mambo weBhabhironi wakasvika Jerusaremu, akabata mambo waro, namachinda aro, akandovaisa Bhabhironi kwaari.
13
Akatora mumwe worudzi rwamambo, akaita sungano naye; akamupikisawo, akabvisa vane simba venyika;
14
kuti ushe huderere, kuti hurege kukura, asi hurambe huripo huchichengeta sungano yake.'
15
Asi wakazomumukira achituma nhume dzake Ijipiti, kuti apiwe mabhiza navanhu vazhinji. Ko acharamba achingofara here? Anoita zvinhu zvakadai achapukunyuka here? Angaputsa sungano akapukunyuka here?
16
"Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Panzvimbo panogara mambo, akamuita mambo, waakashora kupika kwake, nokuputsa sungano yake, ipapo paari, pakati peBhabhironi, ndipo paachafira.
17
Kunyange naFarao nehondo yake ine simba neboka rake guru haangamubatsiri pakurwa, kana vachitutira mirwi yokurwa nokuvaka nhare, kuti vaparadze vanhu vazhinji.
18
Nokuti wakashora kupika nokuputsa kwake sungano; tarira, akapika noruoko rwake, kunyange zvakadaro akaita izvozvi zvose haangapukunyuki."
19
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, "Noupenyu hwangu, kupika kwangu kwaakashora nesungano yangu yaakaputsa, zvirokwazvo ndichauyisa mhosva yazvo pamusoro pomusoro wake.
20
Ndichakanda mumbure wangu pamusoro pake, achabatwa nomusungo wangu, ndichamuisa Bhabhironi ndimutongeko pamusoro pokudarika kwake kwaakandidarikira nako.
21
Vose vanotiza vamapoka ake ose vachaurawa nomunondo, navakasara vachaparadzirwa kumativi mana enyika; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndini ndakataura izvozvo."
22
Zvanzi naIshe Jehovha, "Ndichatora ini rutavi padavi rokumusorosoro romusidhari, ndirusime; pamatavi aro manyoro okumusoro ndichavhuna rumwe rutsva, ndirusime pamusoro pegomo refu rakakwirira;
23
pagomo refu raIsiraeri ndipo pandicharusima; ruchabudisa matavi, nokubereka michero, nokuva musidhari wakanaka kwazvo, pasi pawo pachagara shiri dzinamapapiro amarudzi ose; dzichagara mumumvuri wamatavi awo.
24
Zvino miti yose yokusango ichaziva kuti ini Jehovha ndakaderedza muti murefu, ndikakwiridza muti wakazvidzwa, nokuomesa muti munyoro, ndikameresa muti wakaoma. Ini Jehovha ndakazvitaura, ndikazviita."
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48