bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezekiel 44
Ezekiel 44
Shona 2009?
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 45 →
1
Zvino akandidzosa nenzira yesuo rokunze renzvimbo tsvene, rakanga rakatarira kurutivi rwamabvazuva; asi rakanga rakapfigwa.
2
Jehovha akati kwandiri, "Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa, harifaniri kuzarurwa, uye hakuna munhu anofanira kupinda naro, nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri wapinda naro; saka rinofanira kuramba rakapfigwa.
3
Kana ari muchinda, iye anofanira kugaramo ari muchinda, adye zvokudya pamberi paJehovha; anofanira kupinda nenzira yebiravira resuo, ndokubudazve nenzira iyeyo."
4
Ipapo akaenda neni nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro pamberi peimba; ndikatarira, ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza imba yaJehovha; ndikawira pasi nechiso changu.
5
Jehovha akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, utarire nameso ako, unzwe nenzeve dzako zvose zvandinokuudza pamusoro pemitemo yose yeimba yaJehovha, nemirayiro yayo yose; cherechedza zvakanaka panopindwa napo paimba, napanobudiwa napo pose panzvimbo tsvene.
6
"Zvino uti kuna vakandimukira, kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, `Nhai, imwi imba yaIsiraeri, chiringaniswai nezvinonyangadza zvenyu,
7
izvo zvokupinza kwenyu vatorwa, vane moyo isina kudzingiswa nenyama isina kudzingiswa, kuti vave munzvimbo yangu, muchimhura iyo imba yangu, kana muchindivigira zvokudya, namafuta neropa; vakaputsa sungano yangu, vachinyanyisa zvinonyangadza zvenyu.
8
Hamuna kuchengeta zvinhu zvangu zvitsvene, asi makagadza vatariri vanokuchengeterai imwi zvinhu zvangu munzvimbo yangu tsvene.'
9
"Zvanzi naIshe Jehovha, `Mutorwa unomoyo usinokudzingiswa nenyama isina kudzingiswa ngaarege kupinda munzvimbo yangu tsvene, Ani naani wavatorwa vari pakati pavana vaIsiraeri.' "
10
"Asi vaRevhi, vakaenda kure neni panguva yokutsauka kwaIsiraeri, vakatsauka kwandiri vachitevera zvifananidzo zvavo, ivo vachava nemhosva yezvakaipa zvavo.
11
Asi vanofanira kuva vashumiri munzvimbo yangu tsvene, navatariri pamasuo eimba, navanoshumira mumba; ivo vanofanira kubayira chipiriso chinopiswa, nezvinobayirwa vanhu, nokumira pamberi pavo kuvashumirira.
12
Zvavakavashumirira pamberi pezvifananidzo zvavo, vakazova chigumbuso chezvakaipa kuimba yaIsiraeri; naizvozvo ndakavasimudzira ruoko rwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha vachava nemhosva yezvakaipa zvavo.
13
Havangaswederi kwandiri, kundiitira basa rohuprista, kana kuswedera kuchinhu chipi nechipi chezvinhu zvangu zvitsene, kuzvinhu zvitsvene kwazvo; asi vachava nemhosva yokunyadziswa kwavo, neyezvinonyadzisa zvavo zvavakaita.
14
Asi ndichavaita vatariri vanochengeta imba, vaite basa rayo rose, nezvose zvinofanira kuitwamo.
15
"Asi vaprista vaRevhi, ivo vanakomana vaZadhoki, vaichengeta basa renzvimbo yangu tsvene panguva yokutsauka kwavana vaIsiraeri vachibva kwandiri, ndivo vachaswedera kwandiri kuzondishumira; ivo vachamira pamberi pangu kuzondibayira mafuta neropa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha;
16
vachapinda munzvimbo yangu tsvene, vachaswedera kutafura yangu, kuti vandishumire, uye vachachengeta basa rangu.
17
"Zvino kana vachipinda pamasuo oruvanze rwomukati, vachafanira kufuka nguvo dzerineni; makushe ngaarege kuva pamiviri yavo, kana vachishumira mumasuo oruvanze rwomukati, nomukati meimba.
18
Vachafanira kufuka ngowani dzerineni pamisoro yavo, uye vachafanira kuva namabhurukwa erineni pazviuno zvavo; ngavarege kuzvisunga chiuno nechinhu chinobudisa ziya.
19
Kana vachibudira kuruvanze rwokunze, iko kuruvazhe rwokunze kuvanhu, vanofanira kubvisa nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, ndokudziisa mumakamuri matsvene; vanofanira kufuka dzimwe nguvo, kuti varege kuita vanhu vatsvene nenguvo dzavo.
20
"Ngavarege kuveura misoro yavo, kana kurega vhudzi ravo richireba; ngavagunde chete misoro yavo.
21
Muprista upi noupi ngaarege kumwa waini, kana achipinda muruvanze rwomukati.
22
Havafaniri kuwana chirikadzi, kana mukadzi akarambwa nomurume; asi vanofanira kuwana mhandara pakati pavana veimba yaIsiraeri, kana chirikadzi, iri chirikadzi yomuprista.
23
Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu kusiyana kwezvitsvene nezvisi zvitsvene, nokuvadzidzisa kutsaura pakati pezvisina kunaka nezvakanaka.
24
Kana panegakava vanofanira kuva vatongi; vanofanira kutonga nemitemo yangu; vachafanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu pamitambo yangu yose yakatarwa; maSabata angu ngaave matsvene kwavari.
25
"Ngavarege kupinda kune zvitunha, kuti varege kuzvisvibisa; asi vangazvisvibisa nokuda kwababa, kana mai, kana mwanakomana, kana mwanasikana, kana mukoma nomunun'una, kana hanzvadzi yakanga ichigere kuwanikwa.
26
Zvino kana iye apera kunatswa, anofanira kutarirwa mazuva manomwe.
27
"Nezuva raanozopinda munzvimbo tsvene, muruvanze rwomukati, kundoshumira munzvimbo tsvene, achafanira kubayira chipiriso chake chezvivi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
28
"Vachava nenhaka; ini ndini nhaka yavo; hamufaniri kuvapa fuma pakati paIsiraeri, ini ndini fuma yavo.
29
Vanofanira kudya chipiriso choupfu, nechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva; chinhu chipi nechipi chakatsaurirwa Jehovha pakati paIsiraeri chichava chavo.
30
Chakaisvonaka pamichero yokutanga yezvose, nezvipiriso zvakatsaurwa zvezvose, zvezvipo zvenyu zvose, zvinofanira kuva zvavaprista; munofanira kupawo vaprista zvokutanga zvoupfu bwenyu hwakakuyiwa, kuti mugarise ropafadzo paimba yenyu.
31
Vaprista ngavarege kudya chinhu chipi nechipi chakangofa choga, kana chakabvamburanyiwa, kana iri shiri kana chipfuwo."
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 45 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48