bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ezekiel 32
Ezekiel 32
Shona 2009?
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 33 →
1
Zvino negore regumi namaviri, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2
"Mwanakomana womunhu, itira Farao mambo weIjipiti mariro, uti kwaari, `Iwe wakanga wakafananidzwa neshumba duku pakati pamarudzi; asi uri shato huru mumakungwa; wakabuda munzizi dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako, nokusvibisa nzizi dzavo.'
3
Zvanzi naIshe Jehovha, `Ndichakanda mumbure wangu pamusoro pako neboka ravanhu vazhinji, ivo vachakubata nomumbure wangu.
4
Ndichakusiya panyika, ndichakurasira kusango pakachena, ndichamharisa shiri dzose dzokudenga pamusoro pako, ndichagutisa zvikara zvenyika dzose newe.
5
Ndichayanika nyama yako pamusoro pamakomo, nokuzadza mipata nokukwirira kwako.
6
Ndichadiridzawo nyika neropa rako rinoerera richibva kwauri, kusvikira kumakomo; hova dzichazadzwa newe.
7
Kana ndichikudzima, ndichafukidza denga, nokudzima nyeredzi dzaro; ndichafukidza zuva negore, nomwedzi haungabudisi chiedza chawo.
8
Zviedza zvose zvedenga, zvinopenya, ndichazvidzima pamusoro pako, ndichiisa rima panyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.'
9
"Ndichavodzawo moyo yamarudzi mazhinji avanhu, kana ndichisvitsa kuparadzwa kwako pakati pamarudzi, nokunyika dzawakanga usingazivi iwe.
10
"Zvirokwazvo, ndichashamisa marudzi mazhinji avanhu pamusoro pako, madzimambo avo achakutya zvikuru kwazvo, kana ndichitendeka munondo wangu pamberi pavo; vachadedera nguva dzose, mumwe nomumwe achadedera nokuda koupenyu hwake, nezuva rokuparadzwa kwako."
11
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, "Munondo wamambo waBhabhironi uchauya pamusoro pako.
12
Ndicharayira minondo yavanesimba kuparadza vanhu vako vazhinji; ivo vose ndivo vanotyisa pakati pamarudzi, vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, navanhu vayo vazhinji vachaparadzwa.
13
Ndichaparadzawo zvipfuwo zvayo zvose zviri kunhivi dzemvura zhinji, hakungazovi norutsoka rwomunhu ruchabvongodza, kana mahwanda ezvipfuwo angazoibvongodza.
14
Ipapo ndichachenesa mvura yavo, nokuyeredza nzizi dzavo samafuta, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15
Zvino nenguva yandichaita nyika yeIjipiti dongo rakaparadzwa, nyika yakatorerwa zvayakanga izere nazvo, nenguva yandicharova vose vageremo, nenguva iyo vachaziva kuti ndini Jehovha.
16
Awa ndiwo mariro avachachema nawo; vakunda vamarudzi vachachema nawo; vachachema nawo pamusoro peIjipiti navanhu vose vayo vazhinji," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
17
Zvino negore regumi namaviri, nezuva regumi namashanu rwomwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
18
"Mwanakomana womunhu, ungudza pamusoro pavanhu vazhinji veIjipiti, uvawisire pasi, iyo nyika navakunda vamarudzi ane mbiri, kusvikira kunzvimbo dziri pasi penyika, pamwechete navanoburukira kugomba.
19
Unopfuura aniko pakunaka? Buruka, ugondoradzikwa kuna vasina kudzingiswa.
20
"Vachawa pakati pavakaurawa nomunondo; Ijipiti yakatemerwa munondo, chiikweverai pasi, iyo navanhu vayo vazhinji.
21
"Vane simba pakati pemhare vachataura naye navanomubatsira, vari pakati peSheori; vaburukirako, vavete vanyerere, ivo vasina kudzingiswa, vaurawa nomunondo.
22
"Ashuri riripo neboka raro rose; marinda aro akarikomberedza, vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo.
23
marinda aro akaiswa kumicheto yegomba, boka raro rakakomberedza rinda raro; vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo, ivo vaityisa munyika yavapenyu.
24
"Eramu riripo navanhu varo vazhinji vose vakakomberedza rinda raro, vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo, ivo vakaburukira kunzvimbo dzapasi dzenyika vasina kudzingiswa, ivo vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba.
25
Rakaisirwa nhovo pakati pavakaurawa pamwechete navanhu varo vazhinji vose, marinda aro akarikomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo; nokuti vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba, rakaiswa pakati pavakaurawa.
26
"Mesheki neTubhari aripo navanhu vavo vose vazhinji; marinda awo akakomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurawa nomunondo, nokuti vaityisa munyika yavapenyu.
27
Havangavati pakati pemhare dzakaurawa dzavasina kudzingiswa, vakaburukira kuSheori vane nhumbi dzavo dzokurwa, vakaisa minondo yavo pasi pemisoro yavo, zvakaipa zvavo zviri pamusoro pamapfupa avo; nokuti vaityisa mhare munyika yavapenyu.
28
"Asi iwe uchaputswa pakati pavasina kudzingiswa, uchavata pakati pavakaurayiwa nomunondo.
29
"Edhomu riripo, namadzimambo aro namachinda aro ose, akaradzikwa pakati pavakaurayiwa nomunondo, kunyange aiva nesimba; vachavata pakati pavasina kudzingiswa, uye pamwechete navanoburukira kugomba.
30
"Machinda okurutivi rwokumusoro aripo, iwo ose, navaSidhoni vose vakaburukira pasi pamwechete navakaurayiwa; vakanyadziswa nokuda kokutyisa kwakabva pasimba ravo, vavete, vasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo, vane mhosva yezvinonyadzisa zvavo pamwechete navanoburukira kugomba.
31
"Farao achavaona, ndokunyaradzwa pamusoro pavanhu vake vose vazhinji, iye Farao nehondo yake yose, yakaurayiwa nomunondo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
32
"Nokuti ndakaisa kutyisa kwake panyika yavapenyu; iye acharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, pakati pavakaurayiwa nomunondo, iye Farao navanhu vake vose vazhinji," Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48