bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Revelation 11
Revelation 11
Shona 2009?
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 12 →
1
Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita somudonzvo; mutumwa akati: Simuka, uyere tembere yaMwari, nearitari, navanonamata mairi.
2
Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.
3
Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
4
Ava ndiyo miorivhi miviri nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.
5
Kana kunomunhu unoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kunomunhu unoda kuvakuvadza, unofanira kuvurawa saizvozvo.
6
Vanesimba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vanesimba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namatambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.
7
Kana vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibva mugomba rakadzika dzika chicharwa navo, chichivakunda nokuvavuraya.
8
Mitumbu yavo icharashwa panzira dzomuguta guru, rinonzi, nezita rokufananidzira, Sodhoma neIjipiti, pakaroverwa vo Ishe wavo pamuchinjikwa.
9
Vanobva kuvanhu, namarudzi, nendimi, nendudzi, vachavona mitumbi yavo mazuva matatu nehafu, vasingatenderi kuti ivigwe mubwiro.
10
Navanogara panyika vachafara nokupembera pamusoro pavo, vachitumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza avo vanogara panyika.
11
Zvino mazuva matatu nehafu akati apfuvura, mweya wovupenyu, wakabva kunaMwari, ukapinda mukati mavo, vakamira netsoka dzavo, kutya kukuru kukawira vose vakavavona.
12
Ipapo vakanzwa inzwi guru, rinobva kudenga, richiti kwavari: Kwirai pano. Vakakwira kudenga negore, vavengi vavo vakavavona.
13
Zvino nenguva iyo kudengenyeka kwenyika kwakavapo, chegumi cheguta chikaputsikira pasi, navanhu vanezvuru zvinomwe vakavurawa nokudengenyeka; vakasara vakatya, vakarumbidza Mwari wokudenga.
14
Nhamo yechipiri yapfuvura; tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kusvika.
15
Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru akavapo kudenga, achiti: Vushe bwenyika bwava bwaShe wedu, naKristu wake; uchabwubata nokusingaperi-peri.
16
Ipapo Vakuru vanamakumi maviri navana vanogara pazvigaro zvavo zvovushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari.
17
vachiti: Tinokuvongai imi, Ishe Mwari wamasimba ose, uripo, wakanga aripo, nouchazovapo; nokuti makatora simba renyu guru, mukabata vushe.
18
Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, uye kuti mupe varanda venyu mubairo, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; uye kuti muparadze avo vanoparadza nyika.
19
Ipapo tembere yaMwari iri kudenga yakazarurwa; areka yesungano ikavonekwa mutembere yake; ipapo kwakavapo mheni, namanzwi, nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22