bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Revelation 5
Revelation 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 6 →
1
Zvino ndakavona muruvoko rworudyi rwaiye wakanga agere pachigaro chovushe bhuku yakanyorwa mukati nokunze kwayo, yakanamatidzwa nezvisimbiso zvinomwe.
2
Ipapo ndakavona mutumwa, unesimba, achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndianiko wakafanira kuti azarure bhuku iyi, nokusunungura zvisimbiso zvayo?
3
Asi kwakanga kusinomunhu kudenga napanyika, kana napasi penyika, wakagona kuzarura bhuku iyo, kana kutarira mairi.
4
Ipapo ndakachema zvikuru, zvakusina-kuwanikwa munhu, wakafanira kuti azarure bhuku, kana kuverenga kana kutarira mairi.
5
Zvino mumwe waVakuru wakati kwandiri; Usachema hako, tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, yakakunda kuti izarure bhuku nokusunungura nezvisimbiso zvayo zvinomwe.
6
Zvino ndakatarira ndikavona pakati pechigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu zvina, napakati paVakuru, gwayana rimire, rakaita serakabayiwa, rinenyanga nomwe nameso manomwe, iri Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.
7
Iro rikavuya, rikatora bhuku muruvoko rworudyi rwaiye wakanga agere pachigaro chovushe.
8
Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina naVakuru vanamakumi maviri navana vakawira pasi pamberi pegwayana, mumwe nomumwe anorudimbwa, nendiro dzendarama, dzakanga dzizere nezvinonhuhwira, iri minyengetero yavatsvene.
9
Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Ndimi makafanira kuti mutore bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabayiwa, mukatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose;
10
mukavaitira Mwari wedu, kuti vave madzimambo navaprista, vabate vushe panyika.
11
Zvino ndakavona, ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji vakanga vakakomberedza chigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu, naVakuru kuwanda kwavo kwakanga kuri zvuru zvezvuru nezvuru zvamazana
12
vachiti nenzwi guru: gwayana rakabayiwa rakafanira kuti rivigirwe vushe, nefuma, nokuchenjera, nesimba, nokukudzwa, nokubwinya, nokurumbidzwa.
13
Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga, napanyika, nezvose zviri mukati mazvo, zvichiti: Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya, nesimba ngazvive kunaiye ugere pamusoro pechigaro chovushe, nokugwayana nokusi ngaperiperi.
14
Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Vakuru vanamakumi maviri navana vo vakawira pasi, vakanamata Iye unorarama nokusingaperi.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22