bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Revelation 9
Revelation 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 10 →
1
Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, ndikavona nyeredzi,, yakabva kudenga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika-dzika.
2
Ikazarura gomba rakadzika-dzika, vutsi bwukakwira bwuchibva mugomba, sovutsi bwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa novutsi bwegomba.
3
Muvutsi makabuda mhashu dzikavuya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika.
4
Dzikavudzwa kuti dzirege kutadzira vuswa bwenyika, nechinhu chinyoro, kana miti yose, asi vanhuchetevasinechisimbiso chaMwari pahuma dzavo.
5
Hadzina kupiwa basa rokuvavuraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo kwakanga kwakaita sokurwadzisa kwechinyavada, kana chichiruma munhu.
6
Namazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangatongoruwani, vachavinga kufa, asi rufu ruchavatiza.
7
Pakuvonekwa kwadzo mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakanga pane zvimwe zvakafanana nekorona dzakafanana nendarama, zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu.
8
Dzakanga dzinevhudzi rakaita sevhudzi ravakadzi, nameno adzo akanga akaita seeshumba.
9
Dzakanga dzinezvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvamatare; nokutinhira kwamapapiro adzo kwakaita sokutinhira kwengoro dzamabhiza mazhinji anomhanyira kurwa.
10
Dzakanga dzinemiswe, yakaita seyezvinyavada, novumborera; pamiswe yadzo pakanga panesimba rokukuvadza vanhu mwedzi mishanu.
11
Dzakanga dzinamambo wadzo, ari mutumwa wegomba rakadzika dzika, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, nechi Giriki zita rake ndi Aporioni.
12
Nhamo imwe yapfuvura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi.
13
Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, ndikanzwa inzwi richibva panyanga ina dzearitari yendarama yakanga iri pamberi paMwari,
14
richiti kumutumwa wechitanhatu wakanga anehwamanda; Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru runonzi Yufratesi.
15
Ipapo vatumwa vana vakasunungurwa, vakanga vakagadzirirwa nguva, nezuva, nomwedzi, negore, kuti vavuraye chetatu chavanhu.
16
Kuwanda kwehondo dzavatasvi vamabhiza kwakanga kuri zvuru zvezvuru zvamazana maviri; ndikanzwa kuverengwa kwavo.
17
Saizvozvo vo ndakavona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vanezvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasinto, nezvesarufa; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, novutsi nesarufa.
18
Chetatu chavanhu chakavurawa namatambudziko awa matatu, anoti, moto novutsi nesarufa, zvakabuda mumiromo yawo.
19
Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, inemisoro; anokuvadza nayo.
20
Vamwe vanhu vasina kuvurawa namatambudziko awa, havana kutendevuka pamabasa amavoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvesirivheri, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuvona, kana kunzwa, kana kufamba;
21
havana kutendevuka vo pakuvuraya kwavo, kana pakurowa kwavo, kana pavupombwe bwavo, kana pakuba kwavo.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22