bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Revelation 2
Revelation 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 3 →
1
Nyorera mutumwa wekereke iri paEfeso, uti: Zvanzi naiye wakabata nyeredzi nomwe murovoko rwake rworudyi, unofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama:
2
Ndinoziva mabasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsungirira kwako, uye kuti haudi kuvonana navanhu vakaipa; wakavaidza ivo vanoti, tiri vapositora, vasi ivo chaivo, ukavawana vari venhema;
3
ukatsungirira nokuva nomoyo murefu nokuda kwezita rangu, ukasaneta.
4
Asi handifari nechinhu icho kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga.
5
Naizvozvo rangarira pawakawa, utendevuke, ugoita mabasa ako okutanga; kana usingaiti saizvozvo, ndichavuya kwawuri, ndikabvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho, kana usingatendevuki.
6
Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga nenivo.
7
Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; unokunda, ndichamutendera kuti adye muti wovupenyu, uri muParadhiso yaMwari.
8
Nyorera mutumwa wekereke iri paSimina, uti: Zvanzi naiye wokutanga nowokupedzisira, wakanga afa, akararamazve:
9
Ndinoziva mabasa ako nokutambudzika kwako novurombo bwako, (asi uri mufumi), nokutuka kwaivo vanoti, tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asi isinagoge raSatani,
10
usatya izvo zvauchatambudzika nazvo. Tarira, Dhiabhorosi woda kuisa vamwe venyu mutirongo, kuti muidzwe; muchatambudzika mazuva anegumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona yovupenyu.
11
Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; unokunda, haangakuvadzwi norufu rwechipiri.
12
Nyorera mutumwa wekereke iri paPergamo, uti: Zvanzi naiye unomunondo, unopinza, unocheka kose;
13
Ndinoziva mabasa ako uye kuti, paunogara, ndipo pane chigaro chovushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, kunyange napamazuva aAntipasi, chapupu changu, munhu wangu wakatendeka, wakavurawa pakati penyu, apo panogara Satani.
14
Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti unavamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana vaIsraeri, chokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita vupombwe,
15
Nokudaro unavamwe vo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti, chinhu chandinovenga..
16
Naizvozvo tendevuka; kana usingaiti saizvozvo, ndichakurumidza kuvuya kwauri, ndigorwa navo nomunondo womuromo wangu.
17
Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda, ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzwa rakanyorwapo, risingazikamwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.
18
Nyorera mutumwa wekereke iri paTiatira, uti: Zvanzi noMwanakomana waMwari, unameso akafanana nomurazvo womoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya;
19
Ndinoziva mabasa ako, norudo, nokutenda, nokushumira, nokutsungirira kwako, uye kuti mabasa ako okupedzisira anopfuvura okutanga.
20
Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesibheri, unozviidza muporofitakadzi, uye unodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite vupombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo,
21
Ndakamupa nguva kuti atendevuke; akaramba kutendevuka pakufeva kwake.
22
Tarira, ndoda kumukandira panhovo, navanoita vupombwe naye panhamo huru, kana vasingatendevuki pamabasa avo.
23
Navana vake ndichavavuraya norufu; nekereke dzose dzichaziva kuti ndini ndinonzvera itsvo nomoyo; ndichapa mumwe nomumwe wenyu paakabata napo.
24
Asi kwamuri, imwi makasara paTiatira, vose vasine-dzidziso iyi, vasingazivi izvo zvavanoti zvakadzika zvaSatani, ndinoti kwamuri: Handingakutakudziyi mumwe mutoro.
25
Asi batisai izvo zvamunazvo kusvikira ndichivuya.
26
Unokunda achichengeta mabasa angu kusvikira pakupedzisira, ndichamupa simba pamusoro pamarudzi;
27
uchaafudza netsvimbo yedare,sehari dzomuvumbi dzinoputsanyiwa; sezvandakapiwa vo naBaba vangu.
28
uye ndichamupa nyamasase.
29
Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22