bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Revelation 21
Revelation 21
Shona 2009?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 22 →
1
Zvino ndakavona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuvura; negungwa rakanga risisipo.
2
Ini Johwani ndikavona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kudenga richibva kunaMwari, rakagadzirwa somwenga wakashongedzerwa murume wake.
3
Ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: Tarirai, tabernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo.
4
Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokatanga zvapfuvura.
5
Wakanga agere pachigaro chovushe akati: Tarirai, ndinovandudza zvose akati kwandiri nyora: nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.
6
Akati kwandiri: Zvaitwa. Ndini Arifa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa unenyota zvinobva patsime remvura yovupenyu asigatengi.
7
Unokunda uchagara nhaka yezvinhu izvi: ndichava Mwari wake, iye uchava mwanakomana wangu.
8
Asi kana vari vanotya, navasingatendi navanyangadzi, navavurayi, nemhombwe, navaroyi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoreva nhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nomoto nesarufa; ndirwo rufu rwechipiri.
9
Zvino mumwe wavatumwa vanomwe vakanga vane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akavuya kwandiri akasvika akataura neni, achiti: Vuya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi wegwayana.
10
Ipapo wakandiisa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza guta guru Jerusarema dzvene, richiburuka kudenga, richibva kunaMwari,
11
rinokubwinya kwaMwari; chiedza charo chakanga chakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipisi, rinovonekera sekiristaro;
12
rakanga rinorusvingo rukuru, rurefu, rakanga rinamasuvo anegumi namaviri; navatumwa vanegumi navaviri pamusuvo, namazita akanyorwa pamusoro pawo, ari mazita amarudzi anegumi namaviri avana vaIsraeri.
13
Kumabvazuva kwakanga kunamasuvo matatu; kumusoro masuvo matatu, zasi masuvo matatu, nokumavirira masuvo matatu;
14
rusvingo rweguta rwakanga runenheyo dzinegumi nembiri; napamusoro padzo mazita avapositora vanegumi navaviri vegwayana.
15
Uyo, wakataura neni, wakanga anorutsanga rwendarama rokuyera guta narwo, namasuvo aro norusingo rwaro.
16
Guta rakanga rakavakwa namativi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamastadia anezvuru zvinegumi nezviviri*; kureba nokufara, nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana.
17
Akayera rusvingo rwaro, makubiti anezana namakumi mana namana, nechiyero chomunhu, chiri chiyero chomutumwa.
18
Rusvingo rwaro rwakanga rwakavakwa nejaspisi, uye guta rakanga riri rendarama, yakaisonaka, yakavonekera kwazvo.
19
Nheyo dzorusingo rweguta dzakanga dzakashongedzwa namabwe amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipisi; yechipiri yesafiri yetatu yekasidhoni yechina yesimaragidhino;
20
yechishanu yesardoniksi; yechitanhatu yesardio; yechinomwe yekrisoriti; yorusere yeberiri; yepfumbamwe yetopasi; yegumi yekirisoprasi; yegumi neimwe yehiakinti; yegumi nembiri yaametesti.
21
Masuvo anegumi namaviri akanga ari amaparera anegumi namaviri; suvo rimwe nerimwe rakanga riri reparera rimwe; nzira yomuguta yakanga iri yendarama yakaisvonaka, inoita seinovonekera.
22
Handina kuvona tembere mukati maro, nokuti Ishe Mwari wamasimba ose negwayana itembere yaro.
23
Guta haritsvaki zuva kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo; nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kwairi vhenekera, nomwenje waro ndiro gwayana.
24
uye marudzi avaya vanoponeswa achafamba nechiedza charo, madzimambo enyika achavuyisa kubwinya kwawo nokukudzwa kwawo mariri.
25
Masuvo aro haangatongozarirwi masikati, nokuti vusiku habwuchazovipo.
26
Vachavuyisa mukati maro kubwinya nokukudzwa kwendudzi.
27
Mukati maro hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chinenhema; asi avochetevakanyorwa mubhuku yovupenyu yegwayana.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22