bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Revelation 7
Revelation 7
Shona 2009?
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 8 →
1
Shure kwaizvozvo ndakavona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose.
2
Ipapo ndakavona mumwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, anechisimbiso chaMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakanga vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,
3
achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.
4
Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vanezvuru zvinezana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsraeri.
5
Vorudzi rwaJudha vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri. Kurudzi rwaRubheni vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaGadi vanezvuru zvinegumi nezviviri;
6
Vorudzi rwaAseri vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaNafutarimi vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaManase vanezvuru zvinegumi nezviviri;
7
Vorudzi rwaSimiyoni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaRevhi vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaIsakari vanezvuru zvinegumi nezviviri;
8
Vorudzi rwaZebhuroni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaJosefa vanezvuru zvine gumi nezviviri; Vorudzi rwaBenjamini vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri.
9
Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikavona vazhinji-zhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro chovushe, napamberi pegwayana, vakapfeka nguvo chena, vakabata michindwe mumavoko avo;
10
vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kunaMwari unogara pachigaro chovushe, nokugwayana.
11
Ipapo vatumwa vose vakamira, vakakomba chigaro chovushe, naVakuru, nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawira pasi nezviso pamberi pechigaro chovushe, vakanamata Mwari,
12
vachiti: Ameni: Kurumbidzwa, nokubwinya, nokuchenjera, nokuvonga, nokukudzwa, novushe, nesimba, ngazvive kunaMwari nokusingaperi-peri. Ameni.
13
Ipapo mumwe waVakuru wakapindura, akati kwandiri: Ava vakapfeka nguvo chena ndivananiko? Vakabvepiko?
14
Ndikati kwaari; Ishe wangu, imwi munoziva. Akati kwandiri: Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru, vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa regwayana.
15
Naizvozvo vari pamberi pechigaro chovushe chaMwari, vanomushumira masikati novusiku mutembere yake; iye, unogara pachigaro chovushe, uchavadzitira netabernakeri.
16
Havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; havangapiswi nezuva kana nokumwe kupisa;
17
nokuti gwayana riri pakati pechigaro chovushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura yovupenyu; Mwari uchapisika misodzi yose kumeso avo.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22