bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Revelation 12
Revelation 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 13 →
1
Zvino kudenga kwakavonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, wakanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri;
2
iye wakanga anemimba, akadanidzira pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara.
3
Ipapo kudenga kwakavonekwa chimwe chiratidzo ichi: Tarira, shato huru tsvuku inemisoro minomwe, nenyanga dzinegumi, napamisoro yayo korona nomwe.
4
Rumhinda rwayo rwakakweva chetatu chenyeredzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi wakanga ozvara, kuti iparadze mwana wake kana azvara.
5
Akazvara mwana womukomana, unozofudza marudzi ose netsimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kunaMwari, nokuchigaro chake chovushe.
6
Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuchengetepo mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
7
Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa inavatumwa vayo;
8
vakasakunda, nenzvimbo yavo hainakuzowanikwa kudenga.
9
Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo.
10
Ndikanzwa inzwi guru kudenga, richiti: Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, novushe bwaMwari wedu, novumambo bwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari we du masikati novusiku.
11
ivo vakamukunda neropa regwayana, uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda vupenyu bwavo kusvikira parufu.
12
Saka farai kudenga nemwi munogara'ko. Vurombo kwamuri imwi nyika navanogara panyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchinenguva duku.
13
Shato yakati yavona kuti yakandirwa pasi panyika, ikatambudza mukadzi wakazvara mwana womukomana.
14
Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingavonekwi nenyoka.
15
Ipapo nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure komukadzi kuti akukurwe norwizi.
16
Ipapo nyika yakabatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakabudiswa neshato mumuromo mayo.
17
Zvino shato yakatsamwira mukadzi. Ikaenda kundorwa navamwe vana vake, vanochengeta mirairo yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu Kristu.
18
Ikamira pajecha regungwa.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22