bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Revelation 18
Revelation 18
Shona 2009?
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 19 →
1
Shure kwaizvozvi ndakavona mumwe mutumwa achiburuka kudenga, anesimba guru; nyika ikavhenekerwa nokubwinya kwake.
2
Akadanidzira nenzwi guru, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guru, yava nzvimbo inogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nhare yeshiri dzose dzinetsvina dzinovengwa.
3
Nokuti marudzi ose akamwa waini yokutsamwa kovupombwe bwaro, namadzimambo enyika akaita vupombwe naro, navatengesi venyika vakafuma nokuwanda kwefuma yaro.
4
Zvino ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa matambudziko aro.
5
Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro.
6
Muritsivei parakakutsivai napo, muchiriitira kaviri parakabata napo; mumudziyo iwoyo marakadira iro, muridire kaviri.
7
Parakazvikudza nokuzvifadza napo, murirwadzise nokurichemedza; nokuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara pachigaro chovushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi, handingatongovoni kuchema.
8
Saka matambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara; richapiswa kwazvo nomoto, nokuti Ishe Mwari unoritonga, unesimba.
9
Madzimambo enyika, akaita vupombwe nokuzvifadza naro, acharira nokuchema pamusoro paro, kana achivona vutsi bwokupiswa kwaro;
10
ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe.
11
Vatengesi venyika vacharira nokuchema pamusoro paro, nokuti hakuchinomunhu unotenga nhumbi dzavo;
12
nhumbi dzendarama, nesirvheri, nedzamabwe anokosha, nedzamaparera nedzomucheka wakanaka, nedzemicheka mitsvuku, nedzesiriki, nedzemicheka mishava, namarudzi ose emidziyo yenyanga dzenzou, namarudzi ose emidziyo yamatanda anokosha, nedzesafuri, nedzedare, nedzamabwe machena;
13
nekinamoni, nomuamumoni, nezvinonhuhwira, namafuta okuzora, namafuta omuribanoni, newaini, namafuta omuorivhi, novupfu bwakatsetseka, nezviyo, nemombe, namakwai, nenhumbi dzamabiza, nedzengoro, nedzavatapwa, nedzemweya yavanhu.
14
Michero yaidikamwa nomoyo wako, yakabva kwauri, nezvinhu zvose zvakanaka nezvinopenya, zvakabva kwauri, vanhu havangatongozviwani zve.
15
Vatengesi vezvinhu izvi, vakanga vafumiswa naro, vachamira kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachirira nokuchema,
16
vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru rakanga rakapfeka mucheka wakanaka, mutsvuku nomushava, rakanga rakashonga ndarama, namabwe anokosha, namaparera!
17
Nokuti nenguva imwe fuma huru yakadai yaparadzwa. Zvino vafambisi vose vezvikepe, navose vanofamba nezvikepe papi napapi, navafambi navabati pagungwa, vakamira kure,
18
vakadanidzira va chivona vutsi bwokutsva kwaro, vachiti: Guta rakafanana neguta iri guru nderipiko?
19
Ipapo vakakandira guruva pamisoro yavo, vakadanidzira vachirira nokuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe zvavo pagungwa; nokuti rakaparadzwa nenguva imwe.
20
Farai pamusoro paro iwe denga, nemwi vatsvene navapositora, navaporofita, nokuti Mwari wakaritongera kutonga kwenyu.
21
Zvino mumwe mutumwa unesimba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti: Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikasatongowanikwazve.
22
Nenzwi ravanoridza vudimbwa, neravanoimba, neravanoridza nyere, neravanoridza hwamanda, harichatongonzwiki mauri, nemhizha yebasa ripi neripi haichatongowanikwi mauri, nenzwi reguyo harichatongonzwiki mauri;
23
chiedza chomwenje hachichatongovhenekeri mauri, nenzwi rechikomba kana romwenga harichatongonzwiki mauri; nokuti vatengesi vako vaiva vakuru venyika; nokuti novuroyi bwako marudzi ose akanyengerwa.
24
Mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakavurawa panyika.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22