bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Revelation 22
Revelation 22
Shona 2009?
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
1
Zvino wakandiratidza rwizi rwakachena rwemvura yovupenyu, yakapenya sekristaro, inobuda pachigaro chovushe chaMwari nechegwayana,
2
pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kunomuti wovupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi anegumi namaviri, uchiita zvibereko zvawo mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.
3
Hakuchavi nechinhu chakatukwa; chigaro chovushe chaMwari nechegwayana chichava mukati maro; varanda vake vachamushumira, vachavona chiso chake;
4
uye zita rake richava pahuma dzavo.
5
Vusiku habwuchazovipo; havatsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva; nokuti Ishe Mwari uchavavhenekera; vachabata vushe nokusingaperi-peri.
6
Zvino akati kwandiri: Mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi; Ishe, Mwari wemweya yavaporofita, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze varanda vake zvinhu zvoda kuitwa.
7
Tarirai, ndokurumidza kuvuya; unochengeta mashoko okuporofita kwebhuku iyi wakaropafadzwa.
8
Ini Johwani, ndini ndakanzwa, ndikavona izvozvi. Zvino ndakati ndichinzwa, nokuvona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa wakandiratidza izvozvi.
9
Akati kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe chete newe, nehama dzako, vaporofita, navanochengeta mashoko ebhuku iyi; namata Mwari.
10
Ipapo akati kwandiri: Usazarira mashoko okuporofita kwebhuku iyi, nokuti nguva yava pedo.
11
Usina kururama ngaarambe achiita zvisakarurama; unetsvina, ngaarambe a chisvibiswa; wakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.
12
Tarirai, ndinokurumidza kuvuya; mubairo wangu ndinawo, kuti ndipe mumwe nomumwe sezvaakabata.
13
Ndini Arifa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma.
14
Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nesimba rokuvuya kumuti wovupenyu, vapinde napamasuvo eguta.
15
Kunze ndiko kunembwa, navaroyi, nemhombwe, navavurayi, navanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema vachidziita.
16
Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kuti akupupurirei izvozvi pakereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, nyamasase inopenya.
17
Mweya nomwenga vanoti: Vuya! Naiye unonzwa ngaati: Vuya! Unenyota ngaavuye. Unoda ngaatore mvura yovupenyu asingatengi.
18
Ndinopupurira mumwe nomumwe unonzwa mashoko okuporofita kwebhuku iyi, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari uchawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iyi;
19
kana munhu akabvisa mashoko ebhuku yokuporofita uku, Mwari uchabvisa mugove wake pabhuku yovupenyu, nomuguta dzvene, napazvinhu zvakanyorwa mubhuku iyi.
20
Iye unopupura izvozvi unoti: Hongu, vuyai Ishe Jesu.
21
Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive navose. Ameni.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22