bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Revelation 6
Revelation 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 7 →
1
Zvino ndakavona gwayana richizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe, ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi romutinhiro: Vuya uvone.
2
Ndikatarira, ndikavona bhiza jena, naiye wakanga akaritasva, wakanga anovuta; akapiwa korona, akabuda achikunda, uye kuti akunde.
3
Wakati azarura chisimbiso chechipiri, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Vuya uvone.
4
Ipapo rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; wakanga akaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vavurayane; akapiwa munondo mukuru.
5
Wakati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Vuya uvone. Ndikatarira, ndikavona bhiza dema; wakanga akaritasva wakanga anechiyereso muruvoko rwake.
6
Ndikanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti: Chiyero chezviyo chichatengwa nedhenari+, nezviyero* zvitatu zvebhari nedhenari+; usatadzira mafuta newaini.
7
Wakati azarura chisimbiso chechina, ndikanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Vuya uvone.
8
Ndikatarira, ndikavona bhiza rakachenuruka; wakanga akaritasva, zita rake Rufu; huye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vavuraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
9
Wakati azarura chisimbiso chechishanu, ndikavona panyasi pearitari mweya yavanhu vakanga vavurawa nokuda kweshoko raMwari, nokupupura kwavo kwavakapupura;
10
vakadana nenzwi guru vachiti: Tenzi mutsvene wechokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokuvatsiva ropa redu kusvikira riniko?
11
Ipapo mumwe nomumwe wavo wakapiwa nguvo chena; vakavudzwa kuti vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo, dzaifanira kuvurawa saivo, varinganiswa vose.
12
Zvino ndakavona pakuzarura kwake chisimbiso chechitanhatu, tarira kwakanga kunokudengenyeka kwenyika kukuru, zuva rikasviba segudza remvere, mwedzi wose ukaita seropa;
13
nenyeredzi dzedenga dzikawira pasi, somuvonde unozuza maganga awo, kana uchizununguswa nomututu mukuru.
14
Denga rikabva sebhuku, kana ichipetwa; namakomo ose nezviwi zvose zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
15
Namadzimambo enyika, navakuru, navatungamiriri vehondo, navafumi, navanesimba, navaranda vose, navakasununguka vose vakandovanda mumapako nomumambwe amakomo;
16
vakati kumakomo nokumabwe: Tiwirei, mutivige pameso aiye unogara pachigaro chovushe, napakutsamwa kwegwayana;
17
nokuti zuva guru rokutsamwa kwaro rasvika; ndianiko unogona kumira?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22