bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Revelation 16
Revelation 16
Shona 2009?
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 17 →
1
Zvino ndakanzwa inzwi guru richibva mutembere, richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, mundodurura panyika ndiro nomwe dzokutsamwa dzaMwari.
2
Wokutanga akaenda, akadurura ndiro yake panyika; ronda rakaipa rinorwadza rikavapo pavanhu vakanga vanechiratidzo chechikara, vakanamata mufananidzo wacho.
3
Wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa; rikashanduka ropa seromunhu wakafa; nezvipenyu zvose zvakanga zviri mugungwa zvikafa.
4
Wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, ikashanduka ropa.
5
Ndikanzwa mutumwa wemvura achiti: makarurama imwi Ishe, muripo makanga muripo nouchazovapo nokuti makatonga saizvozvo.
6
Nokuti vakadurura ropa ravatsvene neravaporofita, mukavapa ropa, kuti vamwe; vakafanirwa naizvozvo.
7
Ndikanzwa mumwe ari muaritari achiti: Hongo, Ishe, Mwari wamasimba ose, kutonga kwenyu ndokwazvokwadi kwakarurama.
8
Zvino wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva, rikapiwa simba kuti ripise vanhu nomoto.
9
Vanhu vakapiswa nokupisa kukuru, vakamhura zita raMwari, unesimba pamusoro pamambudziko awa; havana kutendevuka, kuti vamukudze.
10
Wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro chovushe chechikara; vushe bwacho bwukasvibiswa, vakatsenga marimi avo nokurwadzwa;
11
vakamhura Mwari wokudenga pamusoro pokurwadzwa kwavo namaronda avo; asi havana kutendevuka pamabasa avo.
12
Zvino wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro porwizi rukuru, runonzi Yufratesi; mvura yarwo ikapwa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe.
13
Ipapo ndakavona mweya yetsvina mitatu yakaita samatafi ichibva mumuromo weshato nomumuromo wechikara, nomumuromo womuporofita wenhema;
14
Nokuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo inoenda kumadzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose.
15
Tarira ndinovuya sembavha. Wakaropafadzwa unorinda, unochengeta nguvo dzake kuti arege kufamba asina kupfeka, vavone nyadzi dzake.
16
Akavavunganidzira panzvimbo inonzi Hamagedhoni nechiHebheru.
17
Zvino wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, inzwi guru rikabuda mutembere yokudenga muchigaro chovushe, richiti: Zvapera!
18
Ipapo mheni yakavapo, namanzwi nokutinhira; nokudengenyika kwenyika kukuru kwakavapo; kudengenyika kwenyika kwakakura kura kukadai hakuna kumbovapo kubva pakusikwa kwevanhu panyika.
19
Guta guru rikakamurwa rikaita zvikamu zvitatu, maguta amarudzi akaputsika; Bhabhironi guta guru rikarangarirwa pamberi paMwari, kuti ripiwe mukombe wewaini yokutsamwa kwehasha dzake.
20
Zviwi zvose zvikatiza, namakomo haana kuwanikwa.
21
Chimvuramabwe chikuru, chinobva kudenga, chikawira pamusoro pavanhu, kurema kwebwe rimwe nerimwe kukaita setarenda**; vanhu vakamhura Mwari nokuda kwedamabudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22