bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Revelation 19
Revelation 19
Shona 2009?
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 20 →
1
Shure kwaizvozvo ndakanzwa inzwi guru seravazhinji-zhinji kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso, nokubwinya, nokukudzwa nesimba kunaIshe Mwari wedu;
2
nokuti kutonga kwake ndokwazvokwadi kwakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakavodza nyika novupombwe bwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruvoko rwayo.
3
ipapo vakapamhidza, vachiti: Hareruya! Vutsi bwaro bwunokwira nokusingaperi-peri.
4
Zvino Vakuru vanamakumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari wakanga agere pachigaro chovushe, vakati: Ameni, Hareruya!
5
Inzwi rikabva pachigaro chovushe, richiti: Rumbidzai Mwari, imwi mose varanda vake, imwi munomutya, vaduku navakuru.
6
Ipapo ndakanzwa senzwi ravazhinji-zhinji, senzwi remvura zhinji, senzwi rokutinhira kukuru richiti: Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu wamasimba ose wobata vushe.
7
Ngatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana wegwayana wasvika, mukadzi waro wazvigadzira.
8
Wakapiwa simba kuti apfeke mucheka wakanaka, unopenya, usinetsvina; nokuti mucheka wakanaka ndizvo zvakarurama zvavatsvene.
9
Zvino akati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropfadzwa vakakokerwa kuchirayiro chokuwana chegwayana. Akati kwandiri: Mashoko awa ndaazvokwadi aMwari.
10
Ipapo ndakawira pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. Akati kwandiri: Rega kudaro, nokuti ndiri muranda pamwe chete newe nehama dzako dzinobata kupupura kwaJesu; namata Mwari, nokuti kupupura kwaJesu ndiwo mweya wokuporofita.
11
Ipapo ndakavona kudenga kwakazarurwa, ndikavona bhiza jena; naiye wakanga agere pamusoro paro wakanzi: Wakatendeka nowazvokwadi; unotonga nokurwa zvakarurama.
12
Meso ake akanga akaita somurazvo womoto; pamusoro wake pakanga panekorona zhinji; wakanga anezita rakanyorwa, risina kuzikamwa nomunhu, asi naiye bedzi.
13
Wakanga akapfeka nguvo yakanyikwa muropa; zita rake rinonzi Shoko raMwari.
14
Hondo dzokudenga dzakamutevera, dzakatasva mabhizha machena, dzakafuka mucheka wakanaka muchena, usinetsvina.
15
Mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti arove marudzi nawo; uchaafudza netsvimbo yedare; unotsika chisviniro chehasha dzokutsamwa kwaMwari wamasimba ose.
16
Panguvo yake napachidzva chake pakanga pakanyorwa zita rinoti: Mambo wamadzimambo, naShe Wamadzishe.
17
Zvino ndakavona mutumwa amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga: Vuyai, muvungane pachirayiro chikuru chaMwari.
18
kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yavakuru vezvuru zvamazana, nenyama yavanesimba, nenyama yamabhiza, neyavatasvi vawo nenyama yavanhu vose vakasununguka navakasungwa, vaduku navakuru.
19
Zvino ndakavona chikara chiya namadzimambo enyika nehondo dzavo, vakavungana kuti varwe naiye wakanga akatasva bhiza, nehondo dzake.
20
Ipapo chikara chakabatwa pamwe chete nomuporofita wenhema, wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakapiwa chiratidzo chechikara, navainamata mufananidzo wacho. Ava vaviri vakakandirwa vari vapenyu mugomba romoto unopfuta nesarufa.
21
Vakasara vakavurawa nomunondo waiye wakanga akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; shiri dzose dzikaguta nyama yavo.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22