bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Romans 1
Romans 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 2 →
1
Pauro, muranda waKristu Jesu, wakadamwa kuti ave muapositora, wakatsaurirwa evhangeri yaMwari,
2
yaakapikira kare navaporofita vake muMagwaro matsvene,
3
zvoMwanakomana wake, wakabva kurudzi rwaDhavhidhi panyama,
4
wakaratidzwa nesimba paMweya wovutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu,
5
watakagamuchira naye nyasha novuapositora, kuti pakati pavahedheni vose, pave nokuteerera kokutenda nokuda kwezita rake;
6
nemivo muri pakati pavo, makadamwa kuti muve vaJesu Kristu;
7
kunavose vari muRoma, vadikamwa vaMwari, vakadamwa kuti vave vatsvene: Nyasha ngadzive nemwi norugare, zvinobva kunaMwari, baba vedu, nokunaShe Jesu Kristu.
8
Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu munaJesu Kristu, pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose.
9
Nokuti Mwari chapupu changu, iye wandinoshumira mumweya wangu muevhangeri yoMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai,
10
ndichikumbira nguva dzose pakunyengetera kwangu, kuti zvimwe ndifambiswe hangu zvakanaka ndivuye kwamuri nokuda kwaMwari.
11
Nokuti ndinoda zvikuru kukuvonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, kuti musimbiswe.
12
Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwe chete nemwi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda komumwe, kwenyu nokwangu.
13
Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuvuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamurivo, sapakati pavamwe vahedheni.
14
Ndinengava kuvaGiriki nokuvatorwa, nokuvakachenjera navasina kuchenjera.
15
Naizvozvo, kana ndirini, ndakazvigadzira kukuparidziraivo evhangeri, imwi muri paRoma.
16
Nokuti handinyari pamusoro peevhangeri; nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe unotenda, kutanga muJudha, uye muGirikivo.
17
Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakarurama uchararama nokutenda.
18
Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa, kuchibva kudenga, pamusoro pokusada Mwari kose nokusarurama kwavanhu, vanodzivisa chokwadi nokusarurama;
19
nokuti izvo zvingazikamwa zvaMwari zvinovonekwa mukati mavo; nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwavari.
20
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingavonekwi, iro simba rake risingaperi novuMwari bwake, zvinovonekwa kwazvo, zvichizikamwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo;
21
nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisina maturo, nemoyo yavo isinezivo, ikasvibiswa.
22
Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi;
23
vakashandura kubwinya kwaMwari usingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzinamakumbo mana, nezvinokambaira.
24
Saka Mwari, mukuchiva kwemoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo.
25
Avo vakatsinhanha chokwadi chaMwari nenhema, vakanamata nokushumira chisikwa kupfuvura musiki, iye unokudzwa nokusingaperi. Ameni.
26
Mwari wakavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa;
27
saizvozvo vanhurumevo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubairo wakafanira wokurashika kwavo.
28
Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarashika, kuti vaite zvisakafanira;
29
vakazadzwa nokusarururama kose, nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuvuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve-zeve,
30
navacheri, navanovenga Mwari, navanodada, navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingatereri vabereki,
31
namapenzi, navanoputsa sungano, navasinorudo kwarwo, vasinengoni.
32
Avo, kunyange vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havaiti izvo bedzi, asi vanotenderana navanozviita.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16