bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Romans 11
Romans 11
Shona 2009?
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
1
Zvino ndinoti: Ko Mwari wakarasha vanhu vake here? Haiswa! Nokuti nenivo ndiri muIsraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBenjanimi.
2
Mwari haana kurasha vanhu vake vaakaziva pakutanga. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti unokumbira kunaMwari pamusoro pavaIsraeri, achiti:
3
Ishe, vakavuraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu, ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundivuraya.
4
Asi Mwari unomupindureiko? Unoti: Ndakazvisiyira varume vanezvuru zvinomwe, vasina kufugamira Baari.
5
Zvino saizvozvo nenguva inovo vari'ko vakasara, vakasanangurwa nenyasha.
6
Zvino kana kusanangura kuri kwenyasha, hakuzati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha. Asi kana kuri kwamabasa hakuzati kuchiri kwenyasha. Kana zvisakadaro basa harizati richibasa.
7
Zvino tichatiyiko? VaIsraeri havana kuwana zvavakanga vachitsvaka, asi vakasanangurwa ndivo vakazviwana; vamwe vakawomeswa,
8
sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope; meso, kuti varege kuvona, nenzeve, kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.
9
NaDhavhidhivo unoti: Tafura yavo ngaiitwe musungo, neriva,
10
Meso avo ngaasvibirwe, varege kuvona; Mukotamise musana yavo misi yose.
11
Zvino ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Haisva! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo.
12
Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
13
Ndinotaura kwamuri, imwi vahedheni. Zvandiri muapositora wavahedheni, ndinokudza basa rangu.
14
Zvimwe ndingamutsa godo kunavenyama yangu, ndiponese vamwe vavo.
15
Nokuti kana kurashwa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi vupenyu pakufa?
16
Zvino kana chibereko chokutanga chiri chitsvene, bundu rose rakadarovo; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadarovo;
17
Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwe chete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi;
18
usazvikudza kumatavi; kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe.
19
Zvino iwe uchati, matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.
20
Ndizvozvo; vakavhuniwa nokusatenda kwavo, iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi utye;
21
nokuti kana Mwari asina kurega matavi awo, haangakuregi newevo.
22
Zvino tarira vunyoro nokukasharara kunavakawa, asi kwauri vunyoro bwaMwari, kana uchigara pavunyoro bwake;kana zvisakadaro, newe uchatemwavo.
23
Naivovo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari unogona kuvabatanidza zve.
24
Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari matavi awo,vangabatanidzwa pamuorivhi wavo!
25
Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuwomeswa komoyo kwakavuya pamusoro pavamwe vavaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;
26
naizvozvo rudzi rwose rwavaIsraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabuda Musununguri; Uchabvisa kusada Mwari kunaJakobho;
27
Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo.
28
Kana iri evhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikamwa nokuda kwamadzibaba.
29
Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.
30
Nokuti semi kare makanga musingateereri Mwari, asi zvino makanzwirwa ngoni nokusateerera kwavo,
31
saizvozvo naivo zvino havana kuteerera, kuti nengoni dzakaitirwa imwi naivo vanzwirwevo ngoni.
32
Nokuti Mwari wakavapfigira vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.
33
Haiwa kufuma kokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi!
34
Nokuti ndianiko wakanga ari murairi wake?
35
Ndianiko wakatanga kumupa, kuti aripirwe zve?
36
Nokuti zvose zvinobva kwaari, zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16