bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Romans 8
Romans 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
1
Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kunavari munaKristu Jesu vasingafambi nenyama asi nomweya.
2
Nokuti murairo woMweya wovupenyu munaKristu Jesu wakandisunungura pamurairo wezvivi noworufu.
3
Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana, wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, wakapa mhosva zvivi zviri munyama;
4
kuti zvakarebwa nomurairo zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya.
5
Nokuti vari vomweya, vanofunga zvomweya.
6
Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga komweya ndibwo vupenyu norugare;
7
nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurairo waMwari; hakugoni vo;
8
zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari.
9
Asi imwi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati menyu. Asi kana munhu asinoMweya waKristu, haazi wake.
10
Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kokururama.
11
Zvino kana Mweya waiyeyo wakamutsa Jesu kuvakafa achigara mukati menyu, iye wakamutsa Kristu Jesu kuvakafa, uchaponesa miviri yenyu inofa noMweya wake, unogara mukati menyu.
12
Naizvozvo, hama dzangu, hatinengava nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama.
13
Nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchivuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama;
14
nokuti vose vanotungamirirwa noMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.
15
Nokuti hamuna kupiwa mweya wovuranda kuti mutye zve, asi makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti: Aba, baba.
16
Mweya womene unopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;
17
zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu; kana tichitambudzika pamwe chete naye, tichakudzwavo pamwe chete naye.
18
Nokuti ndinoti matambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
19
Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.
20
Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo.
21
zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwevo pavuranda bwokuvora, zviiswe pakusunungurwa kokubwinya kwavana vaMwari.
22
Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.
23
Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuvo, kunyange tinezvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa komuviri wedu.
24
Nokuti takaponeswa netariro; nokuti ndiani unotarira chaanovona?
25
Asi kana tichitarira chatisingavoni, tinochimirira nokutsungirira.
26
Saizvozvo Mweya unobatiranavo nokusava nesimba kwedu; nokuti hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi Mweya amene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi;
27
uyo unonzera moyo, ndiye unoziva kufunga koMweya, nokuti unonyengeterera vatsvene sezvinoda Mwari.
28
Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwechete kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadamwa sezvaakafunga.
29
Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemeravo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji;
30
avo vaakatemera kare, ndivo vaakadanavo; vaakadana, ndivo vaakaruramisavo; vaakaruramisa, ndivo vaakakudzavo.
31
Zvino tichatiyiko pazvinhu izvi? Kana Mwari achitirwira, ndianiko uchatirwisa?
32
Iye usina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi wakamupa chose nokuda kwedu tose, ungarega seiko kutipavo zvose pamwe chete naye?
33
Ndianiko uchakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye unoruramisa;
34
ndianiko uchavapa mhosva? Kristu Jesu ndiye wakafa, zvikuru ndiye wakamutswa kuvakafa, uri kurudyi rwaMwari, unotinyengetereravo.
35
Ndianiko uchatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushaiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here?
36
Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Nokuda kwenyu tinovurawa zuva rose; Takanzi tiri makwai anobayiwa.
37
Kwete, pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuvurisa naiye wakatida.
38
Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana vupenyu, kana vatumwa, kana vanesimba, kana zvazvino, kana zvinovuya kana masimba.
39
kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri munaKristu Jesu, Ishe wedu.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16