bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Romans 13
Romans 13
Shona 2009?
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
1
Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina kubva kunaMwari; iwo aripo akaiswapo naMwari.
2
Saka unoramba simba, unodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva.
3
Nokuti vabati havatyisi unobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa navo;
4
nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuiitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunounoita zvakaipa.
5
Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehanavo.
6
Nokuti nemhaka iyo munoripavo mutero; nokuti ndivo varanda vaMwari vanoramba vachingobatira chinhu icho.
7
Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa: Mutero kuna vanofanira kuteererwa; muripo kunavanofanira kuripirwa; kutya kuna vanofanira kutyiwa; kukudza kuna vanofanira kukudzwa.
8
Musava nechikwereti nomunhu, asi chokudana; nokuti unoda mumwe, wazadzisa murairo.
9
Nokuti izvo zvokuti: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupurira wokwako nhema, usachiva; kana murairo upi noupi, zvakavunganidzwa pashoko rokuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe.
10
Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murairo.
11
Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedo kupfuvura zuva ratakatanga kutenda naro.
12
Vusiku bwapfuvura, koedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge nhumbi dzokurwa dzechiedza.
13
Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana novupombwe, novutere, kana negakava, negodo.
14
Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16