bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Romans 9
Romans 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
1
Ndinotaura zvirokwazvo munaKristu, handirevi nhema, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene,
2
kuti ndineshungu kwazvo nokuchema kusingaperi mumoyo mangu.
3
Nokuti ndaida kuti ini ndimene ndive munhu wakatukwa, wakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu panyama;
4
ndivo vaIsraeri; kuitwa vana, nokubwinya, nesungano, nokupiwa murairo, nokunamata Mwari, nezvipikirwa, ndezvavo;
5
madzibaba ndaavo, naKristu wakabva kwavari panyama, uri pamusoro pavose, Mwari unokudzwa nokusingaperi. Ameni.
6
Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsraeri havazi vaIsraeri vose;
7
navari vorudzi rwaAbhurahamu havazi vana vake vose; asi zvinonzi: KunaIsaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.
8
Ndokuti havazi vana venyama vari vana vaMwari; asi vana vokupikirwa, ndivo vanonzi rudzi.
9
Nokuti shoko rakapikirwa ndirori: Nenguva yakaita seino ndichavuya, Sara uchava nomwanakomana.
10
Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rebekavo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu
11
nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakusanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kunaiye unodana,
12
zvakanzi kwaari: Mukuru uchashumira mudoko.
13
Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.
14
Zvino tichatiyiko? Kusarurama kuripo kunaMwari here? Haiswa!
15
Nokuti unoti kunaMozisi: Ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni, ndichanzwira tsitsi wandinonzwira tsitsi.
16
Naizvozvo hazvibvi kunounoda, kana kunounomhanya, asi kunaMwari, munzwiri wengoni.
17
Nokuti Rugwaro runoti kunaFarao: Ndizvo zvandakakumutsira, kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.
18
Naizvozvo unonzwira ngoni waanoda; uye unowomesera moyo waanoda.
19
Zvino iwe ungati kwandiri: Iye uchapireiko mhosva? Nokuti ndianiko unoramba kuda kwake?
20
Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakavumbwa chingati kunowakachivumba: Wandiitireiko kudai?
21
Ko muvumbi wehari haanesimba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa?
22
Zvino tichatiyiko kana Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa,
23
kuti azivise kufuma kokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni, yaakanga agadzirira kubwinya,
24
iyesu vakadamwavo naye, tisingabvi kuvaJudha bedzi, asi kuvahedhenivo?
25
Sezvaanorevavo pabhuku yaHosiya, achiti: Avo vakanga vasi vanhu vangu; Ndichavaidza vanhu vangu; Naiye wakanga asi mudikamwa, ndichamuidza mudikamwa.
26
Zvichaitika kuti paya pakanga parebwa kwavari: Hamuzi vanhu vangu, Ipapo vachaidzwa vanakomana vaMwari mupenyu.
27
NaIsaya unodana pamusoro pavaIsraeri achiti kunyange kuwanda kwavana vaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;
28
nokuti Ishe uchaita panyika shoko rake, nokuripedzisa, nokukurumidza nokururama.
29
Sezvaakamboreva Isayavo, achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiyira rudzi, Tingadai takava seSodhoma, takaitwa seGomora.
30
Zvino tichatiyiko? Tichati, vahedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakawana kururama, iko kururama kokutenda;
31
asi vaIsraeri vakati vachitsvaka murairo wokururama havana kusvika pamurairo wokururama.
32
Neiko? Nokuti havana kutsvaka nokutenda, asi zvinenge namabasa omurairo. Vakagumburwa nebwe rinogumbusa.
33
Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rokugumbusa, nedombo rokupinganidza; Unotenda kwaari, haanganyadziswi.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16