bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Romans 15
Romans 15
Shona 2009?
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
1
Zvino isu, tinesimba, tinofanira kutakura vutera bwavasinesimba, tisingazvifadzi.
2
Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa.
3
Nokuti Kristuvo haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Kuzvidza kwavakakuzvidza nako kwakawira pamusoro pangu.
4
Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.
5
Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei moyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu;
6
kuti mukudze Mwari, baba vaShe wedu Jesu Kristu, nomoyo mumwe uye nomuromo mumwe.
7
Saka gamuchirai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.
8
Nokuti ndinoti: Jesu Kristu wakaitwa mushumiri wokudzingiswa kuratidza chokwadi chaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba.
9
Vuye, kuti vahedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavahedheni, Nokukuimbirai zita renyu.
10
Vuyezve unoti: Farai imwi vahedheni, navanhu vake.
11
Vuyezve: Rumbidzai Ishe, imwi vahedheni vose; Marudzi ose ngaamukudze.
12
uye zve, Isaya unoti: Mudzi waJese uchavapo, Naiye unomuka, kuti abate vahedheni; Vahedheni vachamutarira iye;
13
Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene.
14
Zvino, hama dzangu, ini ndimene, ndinoziva kwazvo pamusoro penyu, kuti imwi mumene muzere nokunaka, makazadzwa nokuziva kose, munogonavo kurairana.
15
Asi ndinokunyorerai zvimwe ndichinyanya kutsunga, ndichiita sendinokunyevudzai nenyasha dzandakapiwa naMwari,
16
kuti ndive muranda waKristu Jesu kuvahedheni, ndichiita basa rovuprista paevhangeri yaMwari, kuti chibayiro chavahedheni chifadze Mwari, chakaitwa chitsvene noMweya Mutsvene.
17
Naizvozvo ndingazvirumbidza munaKristu Jesu pazvinhu zvaMwari.
18
Nokuti ndingatya kutaura zvimwe zvinhu, asi izvo Kristu zvaakaita neni, kuti vahedheni vateereswe neshoko namabasa,
19
nesimba re zviratidzo nezvinoshamisa, nesimba roMweya Mutsvene; nokudaro kubva Jerusarema nenyika yakapoteredza, kusvikira Iriko, ndakaparidza kwazvo evhangeri yaKristu;
20
ndichishingarira chinhu ichi kuti ndiparidze evhangeri, apo pasina kumborebwa zita raKristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu;
21
asi, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Avo, vasina kuvudzwa zvake; vachavona; Naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.
22
Naizvozvo ndakadziviswavo kazhinji kuvuya kwamuri;
23
zvino zvandisina pokubata panyika idzi, uye zvaava makore mazhinji ndichida zvikuru kuvuya kwamuri,
24
kana ndichienda Spania, ndichavuya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuvonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemwi ikoko, kana ndamboguta zvishoma nemi.)
25
Asi zvino ndomboenda Jerusarema kundoshumira vatsvene.
26
Nokuti veMakedhonia naveAkaya vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari paJerusarema.
27
Nokuti vakatiira zvakanaka; vanengava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vanengavavo rokuvashumira pa zvinhu zvenyama.
28
Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikavavigira chibereko ichi, ndichaenda Spania nokwenyu.
29
Ndinoziva kuti kana ndichivuya kwenyu, ndichavuya nokuropafadza kwakazara kweevhangeri yaKristu.
30
Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naShe wedu, Jesu Kristu, uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni pakunyengetera kwenyu kunaMwari pamusoro pangu;
31
kuti ndisunungurwe kuna vasingateereri muJudhiya, uye kuti kushumira kwangu kunaveJerusarema kufadze vatsvene;
32
kuti ndivuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari, ndiwane zororo pamwe chete nemi.
33
Zvino Mwari worugare ngaave nemwi mose. Ameni.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16