bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Romans 4
Romans 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
1
Zvino tichatiiko? Abhurahamu, teteguru vedu panyama, wakawaneiko?
2
Nokuti dai Abhurahamu akaruramiswa namabasa ake, ungadai anechinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari.
3
Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.
4
Zvino kuno unobate-basa, mubairo haunzi ndowenyasha, asi ndowengava.
5
Kunousingabati, asi unotenda kunaiye unoruramisa munhu usingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama.
6
Sezvinorevavo Dhavhidhi, kuti wakaropafadzwa munhu unonzi naMwari wakarurama, kunze kwamabasa,
7
achiti: Vakaropafadzwa vakakangamwirwa zvisakarurama zvavo, Navakafukidzirwa zvivi zvavo;
8
Wakaropafadzwa munhu usinganzi naShe unezvivi.
9
Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasina kudzingiswa here? Nokuti tinoti, kunaAbhurahamu kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.
10
Zvino zvakanzarwo seiko? Atodzingiswa, kana asinakudzingiswa here? Hazvina kunzarwo adzingiswa, asi asina kudzingiswa;
11
wakapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kokutenda, kwaakanga ana'ko asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama;
12
ave baba vokudzingiswa kunaivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambavo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa.
13
Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kokutenda.
14
Nokuti dai vomurairo vari vagari venhaka, kutenda hakunamaturo, nechipikirwa chinokoneswa;
15
nokuti murairo unovuyisa kutsamwa; pasina murairo hapana kudarika vo.
16
Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurairo bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamuvo, iye baba vedu tose,
17
(sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari unopa vakafa vupenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo.
18
Wakatenda netariro pasinetariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji,sezvazvakanga zvataurwa Rudzi rwako ruchadaro
19
Haana kushaiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo(zvaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara;
20
akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari,
21
achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, wakanga anesimba rokuchiitavo.
22
Saka zvakanzi kwaari ndiko kururama.
23
Zvino hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti zvakanzarwo kwaari;
24
asi nokuda kweduvo; nesu tichanzarwo, iyesu, tinotenda kunowakamutsa Jesu Ishe wedu, kuvakafa.
25
iye wakaiswa kurufu nokuda kokudarika kwedu, akamutswa nokuda kokururamiswa kwedu.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16