bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Romans 16
Romans 16
Shona 2009?
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Ndinoreverera kwamuri Fibi, hanzvadzi yedu, mushandiri wekereke iri paKenkrea.
2
Kuti mumugamuchire munaShe, sezvinofanira vatsvene, nokumubatsira pazvinhu zvose, zvaangashaiwa; nokuti iye amene wakabatsira vazhinji, nenivo ndimene.
3
Ndikwazisirei Priska naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu.
4
vakaisa mitsipa yavo kurwira vupenyu bwangu, vandisingavongi ini ndoga asi nekereke dzose dzavahedheni.
5
Ndikwazisireivo kereke iri paimba yavo. Ndikwazisirei Epeneto, mudikamwa wangu, ndiye chibereko chokutanga munaKristu paAsia.
6
Ndikwazisirei Maria, wakakubatsirai zvikuru.
7
Ndikwazisirei Andoroniko naJunia, worudzi rwangu, vakasungwa pamwe chete neni, vakakurumbira pakati pavapositora, vakanditangiravo kuva munaKristu.
8
Ndikwazisirei Ampriato, mudikamwa wangu munaShe.
9
Ndikwazisirei Urbano, unobata nesu munaKristu, naStako, mudikamwa wangu.
10
Ndikwazisirei Apere, wakatendwa munaKristu. Ndikwazisirei vokwaAristoburo.
11
Ndikwazisirei Herodhio worudzi rwangu. Ndikwazisireivo kwaNarkiso, vari munaShe.
12
Ndikwazisirei Trifania naTrifosa, vanobata munaShe. Ndikwazisirei Persisi, mudikamwa, wakabata zvikuru munaShe.
13
Ndikwazisirei Rufosi, musanangurwa munaShe, namai vake, navangu.
14
Ndikwazisirei Asinkrito, naFregoni, naHermesi, naPatrobasi, naHeramasi, nehama dziri kwavari.
15
Ndikwazisirei Firorogosi, naJuria, naNerea, nehanzvadzi yake, naOraimpasi, navatsvene vose vari kwavari.
16
Kwazisanai nokusveta kutsvene. Kereke dzose dzaKristu ndinokukwazisai.
17
Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti mucherekedze avo vanopesanisa, navanogumbusa, vachiita zvinopesana nedzidziso yamakadzidziswa imi; muvanzvenge.
18
Nokuti vakadaro havabatiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; vanonyengera moyo yavasina mano namashoko avo akanaka, nokubata kumeso.
19
Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kunezvakanaka, asi vasinenjere kunezvakaipa.
20
Zvino Mwari worugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.
21
Timotio, unobata neni, unokukwazisai; naRukio, naJasoni, naSosipatrosi, vorudzi rwangu.
22
Ini Tertiosi, unonyora mwadhi iyi, ndinokukwazisai munaShe.
23
Gaiosi,wakandigamuchira ini nekereke yose, unokukwazisai. Erastosi, muchengeti wemariyeguta, unokukwazisai, naKwaritosivo, hama.
24
Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nemwi mose. Ameni.
25
Zvino iye, unogona kukusimbisai, sezvinoreva evhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurebwa nguva dzisingaperi.
26
asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarairwa naMwari usingaperi, kuti vateerere nokutenda.;
27
iye Mwari wakachenjera oga, ngaave nokubwinya naJesu Kristu nokusingaperi. Ameni.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16