bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Romans 2
Romans 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
1
Saka haunepembedzo iwe munhu, upi noupi, unotonga vamwe; nokuti pachinhu icho chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe, unotonga unoita zvinhu izvozvo.
2
Tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwechokwadi kunavanoita zvinhu zvakadai.
3
Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviita vo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here?
4
Unozvidza kanhi fuma yovunyoro bwake, nomoyo wake munyoro, nomoyo wake murefu, usingazivi here kuti vunyoro bwaMwari bwunokuisa pakutendevuka?
5
Asi novukukutu bwako, nomoyo usingadi kutendevuka, unozvivunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kokutonga kwakarurama kwaMwari;
6
iye uchapa mumwe nomumwe paakaita napo:
7
Vanotsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, uchavapa vupenyu hwusingaperi.
8
Asi kunavanenharo, vasingateereri chokwadi, vanoteerera zvisakarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha.
9
nokutambudzika nenhamo kumweya mumwe nomumwe womunhu kunoita zvakaipa, pakutanga womuJudha, nowomuGiriki;
10
asi kubwinya, nokukudzwa, norugare kunomumwe nomumwe unoita zvakanaka, ku muJudha pakutanga, muGirikivo.
11
Nokuti Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu.
12
Nokuti vose vakatadza vasinomurairo; vachaparadzwavo vasinomurairo; vose vakatadza vanomurairo, vachatongwa nomurairo;
13
nokuti vanzwi vomurairo havazi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vomurairo ndivo vanoruramiswa;
14
(nokuti kana vahedheni vasinomurairo vachiita pachavo zvinhu zvomurairo, vachava murairo wavo vamene;
15
nokuti vanoratidza basa romurairo wakanyorwa mumoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;)
16
nezuva iro, Mwari raanozotonga naro zvakavanzika zvavanhu, naJesu Kristu, sezvinoreva evhangeri yangu.
17
Zvino kana iwe unonzi muJudha, unovimba nomurairo, unozvirumbidza munaMwari,
18
unoziva kuda kwake, nokutsaura kuti zvakanaka ndezvipi, uchidzidziswa nomurairo,
19
unozviti iwe uri mutungamiriri wamapofu, nechiedza chavari murima,
20
nomurairi wamapenzi, nomudzidzisi wavacheche, zvaunomufananidzo wokuziva nowechokwadi pamurairo;
21
zvino iwe unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuba, unobireiko iwe?
22
Iwe unoti munhu arege kuita vupombwe, unoitireiko vupombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe tembere dzavo?
23
Iwe unozvirumbidza nomurairo, unoshovora Mwari nokudarika murairo neiko?
24
Nokuti, sezvazvakanyorwa zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu.
25
Nokuti kudzingiswa kunobatsira, kana iwe uri muiti womurairo; asi kana uri mudariki womurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa.
26
Zvino. Kana iye usina kudzingiswa achichengeta zvirevo zvomurairo, ko kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here?
27
Nousina kudzingiswa kubva pakuzvarwa kwake, kana achichengeta murairo, haangakutongi here iwe unodarika murairo, iwe unomurairo wakanyorwa, vuyevo kudzingiswa?
28
Nokuti uyo haazi muJudha, uri muJudha pakuvonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunovonekwa, kuri panyama;
29
asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko komoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa; iye haarumbidzwi navanhu, asi naMwari.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16