bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Romans 14
Romans 14
Shona 2009?
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
1
Zvino gamuchirai usinesimba pakutenda kwake musingaiti gakava naye pamusoro pokufunga kwake.
2
Mumwe munhu unokutenda kuti ungadya zvose; asi usinesimba unodya mirivo.
3
Unodya ngaarege kuzvidza usingadyi; usingadyi ngaarege kupa mhosva unodya; nokuti Mwari wakamugamuchira.
4
Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe munhu mhosva? Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Uchamiswa hake, nokuti Ishe unesimba rokumumisa.
5
Mumwe munhu unoti zuva rimwe rinopfuvura rimwe; mumwe unoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazive kwazvo mumoyo make.
6
Uyo unochengeta zuva, unorichengeta nokuda kwaShe; uyo usingachengeti zuva haarichengeti kunaShe, uyo unodya, unodya nokuda kwaShe, nokuti unovonga Mwari. Uyo usingadyi kunaShe haadyi asi unovonga Mwari.
7
Nokuti hakunomumwe wedu unozviraramira iye oga, hakuna unozvifira iye oga.
8
Nokuti kana tichirarama tinoraramira Ishe; kana tichifa, tinofira Ishe; zvino kana tichirarama, kana tichifa tiri vaShe.
9
Nokuti Kristu wakafira izvezvi, akamukiravo izvezvi akararama kuti ave Ishe wavapenyu navakafa.
10
Zvino iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newevo, unozvidzireiko hama yako? Nokuti isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaKristu.
11
Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Novupenyu bwangu ndizvo zvinoreva Ishe ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, Rurimi rumwe norumwe ruchakudza Mwari.
12
Naizvozvo mumwe nomumwe we du uchazvidavirira kunaMwari.
13
Naizvozvo ngatirege kuramba tichitongana; asi zvirinani kuti mutonge, kuti munhu arege kuisa chigumbuso kana chinopinganidza pamberi pehama yake.
14
Ndinoziva, nokuzivisisa kwazvo munaShe Jesu, kuti hakunechinhu chinetsvina chimene; asi uyo unoti, chinetsvina, kwaari chinetsvina.
15
Nokuti kana hama yako ichisvibiswa moyo nokuda kwezvokudya, iwe hauchafambi norudo. Usaparadza nezvokudya zvako uyo wakafirwa naKristu.
16
Naizvozvo kunaka kwenyu ngakurege kuzvidzwa.
17
Nokuti vushe bwaMwari hazvizi zvokudya kana zvokumwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMweya Mutsvene.
18
Nokuti unobatira Kristu pazvinhu izvi, unofadza Mwari, uye unotendwa navanhu.
19
Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinovuyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo.
20
Regai kuparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvinhu zvose zvakanaka hazvo: asi zvakaipa kunounodya akagumbuka.
21
Zvakanaka kusadya nyama, kana kusamwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako, kana kuipa vutera.
22
Unokutenda here? Iva nako kuve kwako pamberi paMwari, wakaropafadzwa usingazvipi mhosva pachinhu chaanotendera.
23
Asi uyo unonyunyuta wava nemhosva kana achidya, nokuti haadyi nokutenda; zvose zvisingabvi pakutenda zvivi.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16