bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Romans 12
Romans 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
1
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu komoyo.
2
Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.
3
Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinovudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuvura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.
4
Nokuti sezvatinemitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose hainebasa rimwe chete;
5
saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwe chete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe.
6
Tinezvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiprofite zvakaenzana nokutenda kwedu;
7
kana kuri kushumira, ngazvivonekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu;
8
kana kuri kuraira, pakuraira kwedu; unopa, ngaape nomoyo wose; uri mukuru, ngaabate nokushingaira; unoitira ngoni, ngaaite nomufaro.
9
Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka.
10
Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.
11
Regai kuva novusimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe;
12
farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera;
13
govanai navatsvene pakushaiwa kwavo; itirai vaeni rudo.
14
Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka.
15
Farai navanofara; chemai navanochema.
16
Ivai nomoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamoyo yenyu makachenjera.
17
Musatsiva munhu chakaipa kana akakuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose.
18
Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.
19
Musatsiva, vadikamwa, asi munzvenge kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.
20
Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kumwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake.
21
Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16