bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Romans 6
Romans 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
1
Zvino tichatiyiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here?
2
Haiswa! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo?
3
Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?
4
Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwe chete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuvo tifambe novupenyu bwutsva.
5
Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye, parufu rwake, tichadarovo pakumuka kwake;
6
tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi;
7
nokuti wakafa, waruramiswa pazvivi.
8
Zvino kana takafa pamwe chete naKristu, tinotenda kuti tichararamavo pamwe chete naye;
9
tichiziva kuti Kristu amutswa kuvakafa, haachazofi; rufu haruchavi nesimba pamusoro pake.
10
Nokuti pakufa kwake, wakafa kamwe kwazvo kuzvivi; zvino pakurarama kwake, unorarama kunaMwari.
11
Saizvozvo nemivo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kunaMwari, munaKristu Jesu, Ishe wedu.
12
Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata vushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwawo;
13
uye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipei imwi kunaMwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kunaMwari.
14
Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.
15
Zvino tichatiyiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiswa!
16
Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana vokuteerera kunoisa kukururama?
17
Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imwi maiva varanda vezvivi, mukazoteerera nomoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi.
18
Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama.
19
Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kunezvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vekururama kunoisa kuvutsvene.
20
Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama.
21
Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu.
22
Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, munezvibereko zvenyu zvinoisa kuvutsvene, uye kuguma kwazvo ndibwo vupenyu bwusingaperi.
23
Nokuti mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndibwo vupenyu bwusingaperi munaKristu Jesu, Ishe wedu.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16