bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 11
Judges 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 12 →
1
Ɀino Jefta muGireadi, wakaŋga ari munhu unesimba noʋumhare, asi wakaŋga ari mŋanakomana wecifeʋe; Gireadi ndiye wakaɓereka Jefta.
2
Mukadzi waGireadi akamuɓerekera ʋanakomana; ɀino ʋanakomana ʋomukadzi wake ʋakati ʋakura, ʋakadziŋga Jefta, ʋakati kwaari: Hauŋgadyi nhaka mumba maɓaɓa ʋeɗu, nokuti uri mŋanakomana womumŋe mukadzi.
3
Ipapo Jefta akatiza ʋanuŋuna ʋake, akandogara panyika yeTobi; ʋarume ʋakaipa ʋakaʋuŋganira kunaJefta, ʋakasiɓuɗa naye kundorwa.
4
Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura, ʋana ʋaAmoni ʋakandorwa naʋaIsraeri.
5
Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋorwa naʋaIsraeri, ʋakuru ʋeGireadi ʋakandotora Jefta panyika yeTobi.
6
Ʋakati kunaJefta: Ʋuya, uʋe ishe weɗu, kuti tindorwa naʋana ʋaAmoni.
7
Jefta akati kuʋakuru ʋeGireadi: Hamunakundiʋeŋga, mukandidziŋga mumba maɓaɓa ʋaŋgu here? Ɀino maʋuyireiko kwandiri, ɀamaʋa munjodzi?
8
Ʋakuru ʋeGireadi ʋakati kunaJefta: Naiɀoɀo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa naʋana ʋaAmoni, iwe ugoʋa mukuru weɗu nowaʋose ʋagere Gireadi.
9
Jefta akati kuʋakuru ʋeGireadi: Kana mucindidzosa kuti ndirwe naʋana ʋaAmoni, kana Jehova akaʋaisa mumaʋoko aŋgu, ndicaʋa mukuru wenyu here?
10
Ʋakuru ʋeGireadi ʋakati kuna Jefta: Jehova ŋgaaʋe capupu pakati peɗu; ɀirokwaɀo ticaita seɀawataura iwe.
11
Ɀino Jefta akaenda naʋakuru ʋeGireadi, ʋanhu ʋakamuita mukuru nashe waʋo; Jefta akataura mashoko ake ose pamberi paJehova paMizpa.
12
Ɀino Jefta akatuma nhume kunamambo waʋana ʋaAmoni, akati: Mhoȿa yako ndeyeiko, ɀawaʋuya kuzorwa neni nenyika yaŋgu?
13
Mambo waʋana ʋaAmoni akapindura nhume dzaJefta, akati: Nokuti ʋaIsraeri ʋakatora nyika yaŋgu, ŋguʋa yaʋakabva Egipita, kubva paArnoni kusikira paJaboki neJoridani; saka ɀino cidzosai nyika idzo norugare.
14
Ipapo Jefta akatuma ɀe nhume kunamambo waʋana ʋaAmoni,
15
akati kwaari: Ɀanzi naJefta: ƲaIsraeri haʋana‐kutora nyika yaMoabi, kana nyika yaʋana ʋaAmoni;
16
asi paŋguʋa yakakwira ʋaIsraeri ʋacibva Egipita, ʋakafamba murenje kuȿikira paGuŋgwa Dɀuku, ʋakaȿika paKadeshi,
17
ʋaIsraeri ʋakatuma nhume kunamambo waEdomi, ʋaciti: Nditenderei henyu kupfuʋura napanyika yenyu; asi mambo waEdomi wakaramba kunzwa. Saiɀoɀo akatuma ʋo nhume kunamambo waMoabi; asi iye wakaramba; ɀino ʋaIsraeri ʋakagara paKadeshi.
18
Ipapo ʋakafamba nomurenje, ʋakapota nyika yaEdomi, nenyika yaMoabi, ʋakaenda nokumabvazuʋa enyika yaMoabi, ʋakadzika matente aʋo necemhiri kwaArnoni; asi haʋana‐kuɗarika muganho waMoabi, nokuti Arnoni waiʋa muganho waMoabi.
19
Ipapo ʋaIsraeri ʋakatuma nhume kunaSihoni, mambo waʋaAmori, mambo weHeshboni; ʋaIsraeri ʋakati kwaari: Titenderei henyu kupfuʋura napanyika yenyu, kuȿikira panɀimbo yeɗu.
20
Asi Sihoni haana‐kutenda ʋaIsraeri kuti ʋaɗarike muganho wake; Sihoni akaʋuŋganidza ʋanhu ʋake ʋose, akandodzika matente ake paJahazi, akarwa naʋaIsraeri.
21
Ɀino Jehova Mŋari waʋaIsraeri akaisa Sihoni naʋanhu ʋake ʋose mumaʋoko aʋaIsraeri ʋakaʋaʋuraya; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakatora nyika yose yaʋaAmori, ʋakaŋga ʋagere munyika iyo, ikaʋa yaʋo.
22
Nyika yose yaʋaAmori ikaʋa yaʋo, kubva paArnoni kuȿikira paJaboki, kubva kurenje, kuȿikira paJoridani.
23
Saka ɀino Jehova Mŋari waʋaIsraeri ndiye wakatorera ʋaAmori nyika yaʋo pamberi paʋanhu ʋake ʋaIsraeri, ɀino imi moɗa kuʋatorera ɀe here?
24
Ko imi hamuŋgatori iɀo ɀamunopiwa namŋari wenyu Kemoshi here, nesu ʋo titore nyika yaʋose ʋanodziŋgwa pamberi peɗu naJehova Mŋari weɗu?
25
Ko ɀino imi makanaka kupfuʋura Baraki mŋanakomana waZipori, mambo waMoabi here? Iye wakatoŋgopopotera ʋaIsraeri, kana kurwa naʋo here?
26
Ŋguʋa yakagara ʋaIsraeri paHeshboni nemisha yaro, napaAroeri nemisha yaro, napamaguta ose ari parutiʋi rwaArnoni, makore anamazana matatu, makaregereiko kuʋatorera nyika iyo neŋguʋa iyo?
27
Naiɀoɀo ini handinakukutadzira, asi ndiwe unondiitira ɀakaipa, uciɗa kurwa neni; Jehova, iye Mutoŋgi, ŋgaatoŋge nhasi pakati paʋana ʋaIsraeri naʋana ʋaAmoni.
28
Asi mambo waʋana ʋaAmoni haana‐kuterera mashoko aJefta, aakatuma kwaari.
29
Ɀino Mŋeya waJehova wakaʋuya pamsoro paJefta, akapfuʋura kunyika yaGireadi neyaManase, akapfuʋura ʋo napaMizpe paGireadi, akabva paMizpe paGireadi, akapfuʋura kuʋana ʋaAmoni.
30
Jefta akapikira Jehova mhiko, akati: Kana mukaisa ʋana ʋaAmoni mumaʋoko aŋgu,
31
ipapo aninani unoɓuɗa pamikoʋa yeimba yaŋgu kuzosoŋgana neni, musi wandinodzoka norugare ndicibva kuʋana ʋaAmoni, ucaʋa waJehova; ndicaʋuya naye, ciʋe cipiriso cinopiswa.
32
Ipapo Jefta akapfuʋurira kuʋana ʋaAmoni, akandorwa naʋo; Jehova akaʋaisa mumaʋoko ake.
33
Akaʋaparadza nokuparadza kukuru kwaɀo, kubva paAroeri kuȿikira paMiniti, maguta anamakumi maʋiri, nokuȿikira paAberi‐keramimi. Ʋana ʋaAmoni ʋakakundwa saiɀoɀo pamberi paʋana ʋaIsraeri.
34
Jefta akaȿika paMizpa paimba yake, ɀino tarira, mukunda wake akaɓuɗa kuzosoŋgana naye namakandira, nokupembera. Iye wakaŋga ari mŋana wake mumŋe cete, wakaŋga asinomumŋe mŋana kunze kwake, kana mŋanakomana, kana mŋanasikana.
35
Ɀino wakati acimuʋona, akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Haiwa! mukunda waŋgu! iwe wandiʋonesa nhamo kwaɀo, iwe uri pakati paʋanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo waŋgu kunaJehova, handiŋgagoni kudzoka.
36
Iye akati: Ƃaɓa ʋaŋgu, makashamisa muromo wenyu kunaJehova; ndiitirei henyu seɀamakataura, nokuti Jehova wakakutsiʋirai kwaɀo ʋaʋeŋgi ʋenyu, iʋo ʋana ʋaAmoni.
37
Akati kunaɓaɓa ʋake: Nditenderei henyu cinhu ici: Nditenderei mŋedzi miʋiri, ndiende, ndiɓurukire kumakomo, ndiceme ʋumhandara bgaŋgu, ini neshamŋari dzaŋgu.
38
Iʋo ʋakati: Cienda hako. Akamutendera mŋedzi miʋiri; akaenda, iye neshamŋari dzake, akandocema ʋumhandara bgake kumakomo.
39
Ɀino mŋedzi miʋiri yakati yapera, akadzokera kunaɓaɓa ʋake, iʋo ʋakamuitira seɀaʋakaŋga ʋapika; wakaŋga asina‐kuziʋa murume. Ikazoʋa tsika pakati paʋaIsraeri,
40
kuti ʋakunda ʋaIsraeri ʋaende makore ose mazuʋa manna pagore kundocema mukunda waJefta muGireadi.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21