bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 21
Judges 21
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
1
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋapika paMizpa, ʋaciti: Hakunomumŋe weɗu ucapa muBenjamini mukunda wake, kuti aʋe mukadzi wake.
2
Ʋanhu ʋakaȿika paBeti‐eri, ʋakagara’po pamberi paMŋari kuȿikira maɗekwana; ʋakacema kwaɀo.
3
Ʋakati: Jehova, Mŋari waIsraeri, cinhu ici cakaitirweiko pakati paIsraeri, kuti nhasi rumŋe rudzi rushaikwe pakati paIsraeri?
4
Ɀino fume maŋgwana ʋanhu ʋakamuka maŋgwanani, ʋakaʋaka’po artari, ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa.
5
Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakati: Ndianiko pakati pamarudzi ose aIsraeri ʋasinakukwira kuʋuŋgano yaJehova? Nokuti ʋakaŋga ʋapika nokupika kukuru pamsoro pomunhu usina‐kukwira kunaJehova paMizpa, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, unofanira kuʋurawa.
6
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaɀiɗemba pamsoro paʋaBenjamini, hama dzaʋo, ʋakati: Nhasi rumŋe rudzi rwagurwa pakati paʋaIsraeri.
7
Ticaɗiniko kuti tiwanire ʋakasara ʋakadzi, ɀatakapika naJehova, kuti hatiŋgaʋapi ʋakunda ʋeɗu ʋaʋe ʋakadzi ʋaʋo?
8
Ʋakati: Ndianiko pamarudzi aIsraeri usina‐kukwira kunaJehova paMizpa? Ʋonei, kwakaŋga kusinomunhu wakabva Jabeshi‐gireadi wakakwira kumisasa kuʋuŋgano.
9
Nokuti ʋanhu ʋakati ʋaciʋereŋgwa, ʋonei kwakaŋga kusinomunhu waʋagere Jabeshi‐gireadi ipapo.
10
Ɀino ʋuŋgano ikatumira’ko ʋarume ʋoʋumhare kwaɀo ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ʋakaʋaraira ʋaciti: Endai mundoʋuraya ʋagere Jabeshi‐gireadi neminondo inopinza, pamŋe cete naʋakadzi naʋana.
11
Munofanira kuita ʋo cinhu ici: Munofanira kuparadza cose ʋarume ʋose, nomukadzi mumŋe nomumŋe wakamboʋata nomurume.
12
Ɀino ʋakandowana kunaʋagere Jabeshi‐gireadi mhandara dzinamazana manna, ʋasina‐kumboʋata nomurume; ʋakaʋuya naʋo kumisasa paShiro munyika yeKanani.
13
Ɀino ʋuŋgano yose yakatuma nhume kundotaurirana naʋana ʋaBenjamini ʋakaŋga ʋari paɗombo reRimoni, ʋakaʋaparidzira rugare.
14
Neŋguʋa iyo ʋaBenjamini ʋakadzoka; ʋakaʋapa ʋakadzi ʋaʋakaŋga ʋaceŋgeta ʋari ʋapenyu paʋakadzi ʋeJabeshi‐gireadi; asi haʋana‐kuʋariŋgana.
15
Ʋanhu ʋakaɀiɗemba pamsoro paʋaBenjamini, nokuti Jehova wakaŋga aparadza ʋamŋe pakati pamarudzi aʋaIsraeri.
16
Ipapo ʋakuru ʋeʋuŋgano ʋakati: Ticaɗiniko kuti tiwanire ʋakasara ʋakadzi, ʋakadzi ɀaʋaparadzwa pakati paʋaBenjamini?
17
Ʋakati: ƲaBenjamini ʋakapukunyuka ʋanofanira kuʋa nenhaka yaʋo, kuti rudzi rumŋe rurege kuroʋa pakati paʋaIsraeri.
18
Asi hatiŋgaʋapi ʋakunda ʋeɗu, ʋaʋe ʋakadzi ʋaʋo; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋapika, ʋaciti: Munhu unopa ʋaBenjamini mukadzi ŋgaatukwe.
19
Ʋakati: Gore rimŋe nerimŋe kunomutambo waJehova paShiro, kurutiʋi rwokumsoro kweBeti‐eri, kumabvazuʋa enzira huru inobva Beti‐eri icikwira Shekemi, nezasi kweRebona.
20
Ʋakaraira ʋana ʋaBenjamini, ʋaciti: Endai, mundoʋandira muminda yemizambiriŋga;
21
mutarire, muʋone kana ʋakunda ʋeShiro ʋaciɓuɗa kuzotamba; ɀino muɓuɗe paminda yenyu yemizambiriŋga, murume mumŋe nomumŋe agoɀitorera mukadzi pakati paʋakunda ʋeShiro, muende kunyika yaʋaBenjamini.
22
Ɀino kana madziɓaɓa aʋo kana hama dzaʋo ʋaciʋuya kuzoʋakwirira kwatiri, isu ticati kwaʋari: Citipai henyu iʋaʋo ɀakanaka, nokuti hatina‐kuʋatapira ʋose ʋakadzi pakurwa; nemi ʋo hamunakuʋapa iʋo, muŋgaɗai munemhoȿa.
23
Ʋana ʋaBenjamini ʋakaita saiɀoɀo, ʋakaɀitorera ʋakadzi kunaʋakaŋga ʋacitamba, ʋakaʋariŋgana; ʋakaenda naʋo; ʋakabva ndokudzokera kunhaka yaʋo, ʋakaʋaka maguta, ndokugara mukati mawo.
24
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakabva’po neŋguʋa iyo, murume mumŋe nomumŋe kurudzi rwake nokumhuri yake; ʋakaɓuɗa’po murume mumŋe nomumŋe akaenda kunhaka yake.
25
Namazuʋa iwayo kwakaŋga kusinamambo pakati paIsraeri; murume mumŋe nomumŋe waiita seɀaakafuŋga kuti ndiɀo ɀakanaka.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21