bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Judges 17
Judges 17
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 18 →
1
Ɀino kwakaŋga kunomurume panyika yamakomo yaEfraimi, wainzi Mika.
2
Iye akati kunamai ʋake: Mashekeri aya esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe amakaɓirwa, mukatuka muɓi waɀo, mukataura ʋo iɀoɀo ini ndiciɀinzwa, tarirai sirveri iyeyo iri kwandiri; ndini ndakaitora. Ipapo mai ʋake ʋakati: Mŋanakomana waŋgu ŋgaaropafadzwe naJehova!
3
Akadzosera mashekeri esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe kunamai ʋake; mai ʋake ʋakati: Ɀirokwaɀo, sirveri iyi ndinoitsaurira Jehova, kuti mŋanakomana waŋgu aite nayo mufananidzo wakaʋezwa nomufananidzo wakaʋumbga; naiɀoɀo ɀino ndicakudzosera iyo.
4
Ɀino wakati adzosera mari iyo kunamai ʋake, mai ʋake ʋakatora mashekeri esirveri anamazana maʋiri, akaapa muʋumbi, iye akaita nawo mufananidzo wakaʋezwa nomufananidzo wakaʋumbga; ɀikagara mumba maMika.
5
Ɀino murume uyu Mika wakaŋga aneimba yaʋamŋari, akaita efodi neterafimi, akagadza mumŋe waʋanakomana ʋake kuti aʋe muprista wake.
6
Pamazuʋa iwayo kwakaŋga kusinamambo pakati paʋaIsraeri; munhu mumŋe nomumŋe waiita seɀaakafuŋga kuti ndiɀo ɀakanaka.
7
Ɀino kwakaŋga kunejaya raibva Beti‐rehemi‐juda, weimba yaJuda, waiʋa muRevi, wakaŋga agere’po.
8
Murume uyu akabva paguta, paBeti‐rehemi‐juda, kundoɀitȿakira nɀimbo yokugara; pakufamba kwake akaȿika panyika yamakomo yaEfraimi paimba yaMika.
9
Mika akati kwaari: Wabvepiko? Iye akati kwaari: Ndiri muRevi weBeti‐rehemi‐juda, ndinotȿaka kwandiŋgagara.
10
Mika akati kwaari: Gara neni, uʋe ɓaɓa ʋaŋgu nomuprista waŋgu, ndikupe mashekeri esirveri anegumi pagore neŋguʋo dzokupfeka neɀokudya ɀako. Ipapo muRevi akapinda.
11
MuRevi akatenda kugara nomunhu uyu; jaya rikaʋa somumŋe waʋanakomana ʋake.
12
Mika akagadza muRevi, jaya iro rikaʋa muprista wake, akagara mumba maMika.
13
Ɀino Mika akati: Ndinoziʋa ɀino kuti Jehova ucandiitira ɀakanaka, ɀandaʋa nomuprista waŋgu uri muRevi.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21